Nhengo dzekomiti iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva kuManicaland, dzakundikana kuenda kubasa neChina sezvo dzashaya mafuta emotokari dzavanoshandisa. Nhengo dzeCOPAC dzanga dzichifanirwa kuenda kuChipinge East, asi izvi zvakundikana sezvo ndashaya mafuta ekufambisa kuCentral Mechanical Equipment Department, bazi rinoona nezvemafuta ehurumende.
Sachigaro weMDC kuManicaland, VaPatrick Chitaka, vanoti kukundikana kweCOPAC kuenda kumisangano yainenge yakaronga, kuchapa kuti vanhu vavhiringike.
Ukuwo sangano reCrisis In Zimbabwe Coalition raburitsa gwaro rinoti COPAC, ichitsigirwa ne United Nations Educational Scientific and Cultural Organisation, icharonga misangano yakanangana nevechidiki kuitira kuti vapinde muchirongwa ichi, sezvo vechidiki vakawanda vasiri kupinda mumisangano yeCOPAC.