Accessibility links

Breaking News

Nyaya yeKupa Vamwe Vanasikana Zvekudzivirira paMuviri Yokonzera Mutauro muNyika


Vamwe vanasikana vanoti vanoda kuti hurumende iise hurongwa hunoita kuti vanasikana vakwanise kuzvidzivirira kubata pamuviri kuitira kuti vasavhiringidze dzidzo yavo.

Asi izvi hazvisi kutambirwa nemufaro nevamwe vanoti kuita hurongwa hwakadai, zvakafanana nekupa vanasikana ava chitambi chekuti vaite zvepabonde pamadiro.

Vachishanda nesangano rakazvimiririra reSAFAIDS vechidiki ava vanoti vanasikana vakapihwa pachena zvikwanisiro zvinouta kuti vasabate pamuviri pamwe nezvirwere zvepabonde, zvinoita kuti vanasikana vasarasikirwe nedzidzo, uye hutano hwavo huchigara zvakanaka sezvo vanenge vasingabati pamuviri munguva dzavanenge vachiita zvidzidzo zvavo.

SAFAIDS iri kuita chirongwa ichi kwegore rese pasi pedingindira rekuti HER Choice, uye chine donzvo rekuti hurumende ibvumidze vanasikana vanotangira pamakore gumi kuti vange vachiwana zvikwanisiro izvi, zvakaita sema contraceptives nezvimwe.

Muzvare Tariro Chikuni, vane makore gumi nemapfumbamwe, uye vachibva kuRushinga. Muzvare Chikuni mumwe wevechidiki vari kushanda neSAFAIDS muchirongwa ichi.

Muzvare Chikuni vanoti vechidiki vari kuita zvepabonde vasati vabva zera nekudaro zvakakosha kuti vawane nzira dzekuzvidzivirira.

Mumwe musikana wekuMberengwa, Muzvare Marita Tavvy, vanotiwo vanasikana vakawana mukana wekushandisa zvikwanisiro zvinodzivirira kubatwa pepamuviri, remangwana ravo rinenge rakarongeka.

Mumwewo mukoma wevechidiki ari muhurongwa hweSAFAIDS, VaRunyararo Muzwaba, vanotiwo vakapinda muchirongwa ichi nepamusana pematambudziko anosanganikwa nawo nevechidiki vanoita zvepabonde vasina kuzvidzivirira.

Asi VaSteward Mutaka vanoti havawirirani nepfungwa yekuti vanasikana vange vachipihwa zvikwanisiro, ivo vasati vabva zera.

Nhengo yeParamende yeZANU PF, uye vari nhengo yekomiti inoona nezvedzidzo, VaJohnson Madhuku, vanoti panofanirwa kutanga paitwa tsvakiridzo munyika kuitira kuti kuonekwe kuti vana vari kuita zvepabonde vave pazera ripi, huye kuti vobvumidzwa here kupinda muhurongwa hwekupihwa pachena zvikwanisiro zvinoita kuti vasabate pamuviri, kana zvirwere.

Munyori weZimbabwe Council of Churches, Mufundisi Kenneth Mtata, vanoti zvakakosha kuti vanasikana vasati vasvika pazera rekuwanikwa vadzivirire kuita bonde. Mufundisi Mtata vazotiwo avowo vanokundikana kusaita zvepabonde vasati vapinda muwanano zvakakosha kuti vawane hurongwa hwekuronga mhuri.

Mumwe mukuru mubazi rezvehutano, Doctor Bernard Madzima, vanoti mutemo wenyika haubvumidzi kuti vana vari pasi pemakore gumi nemana vawane hurongwa hwekuronga mhuri vasina mvumo yevabereki vavo.

VaMadzima vanoti hurongwa hwehurumende uhwu hunofambirana nehurongwa hwe World Health Organisation.

VaMadzima vanotiwo tsvagiridzo yavakaita muna 2015 inoratidza kuti vana vakawanda munyika vanotanga kuita zvepabonde vave nemakore gumi nematanhatu.

Asi Muzvare Ashley Ngwenya, avo vanoshanda neSAFAIDS, vanoti sangano ravo rakaona kuti vana vazhinji vari kusangana nematambudziko nekuda kwekuti havakwanisi zvikwanisiro zvekuzvidzivirira kana vasina munhu mukuru, izvo zvakapa kuti vatange hurongwa uhu.

Muzvare Ngwenya vanoti mitemo iripo iyi inoita kuti vechidiki vasakwanise kuwana zvikwanisiro vakazvimiririra, izvo zvinozoita kuti vazozvitenga pamukoto uko vanopiwa mapiritsi asisashandi.

Muzvare Ngwenya naMuzvare Chikuni vari kutarisira kuti bhiri reEducation Amendment Bill richatambirwa muparamende kuti uve mutemo mutsva sezvo mutemo uyu uchange uchibvumidza vasikana vanobata pamuviri kutora mazuva ezororo kuchikoro kuitira kuti vanobatsirwa vari kumba uye vozodzokera kuchikoro vachienderera mberi nedzidzo yayo.

Asi bhiri iri riri kutarisirwa kusangana nevamwe vanoripikisa vasingakurudzire pfungwa yekuti vanasikana vabvumidzwe zviri pamutemo kuita pamuviri, uye vachibvumidzwa zvakare kuenderera mberi nedzidzo yavo.

Sangano reUnited Nations rinoti vanasikana vari pakati pemazana mashanu nemazana manomwe ezviuru vari kusiya chikoro muZimbabwe mushure mekunge vaita pamuviri.

Nyanzvi munyaya dzekodzero dzevanasikana dzinoti hurumende pamwe nevaberekiwo, vachida kana kusada, vanofanirwa kutambira chokwadi chekuti vana vari kuita zvepabonde nguva yavo isati yakwana, nokudaro panofanirwa kutorwa matanho akakodzera uye anotambirwa nevana ava.

Kudzamara vabereki vatambira chokwadi ichi, uye kugadzirisa dambudziko iri, vanasikana vacharamba vachibata pamuviri vari muzvikoro, izvo zvinodzosera hupenyu hwavo shure.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG