Accessibility links

Breaking News

VaSikhala Vanoti VaMnangagwa Ngavabvise Mauto Mumigwagwa


Job Sikhala, the lawyer for former foreign affairs minister Walter Mzembi, talks to reporters after court proceedings where he said charges against his client were "really ridiculous," in Harare, Zimbabwe, Jan 6, 2018. (S. Mhofu/VOA)
Job Sikhala, the lawyer for former foreign affairs minister Walter Mzembi, talks to reporters after court proceedings where he said charges against his client were "really ridiculous," in Harare, Zimbabwe, Jan 6, 2018. (S. Mhofu/VOA)

Vachangosarudzwa semuriri weZengeza West muHouse of Assembly, VaJob Sikhala, vanoti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, pamwe nemutevedzeri wavo, uye vari gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, VaConstantino Chiwenga, vanofanirwa kubvisa mauto azere munzvimbo dzinogara veruzhinji kuChitungwiza neHarare.

VaSikhala, avo vanga vakahwanda zvichitevera kuridzwa pfuti kwakaitwa pamba pavo kuChitungwiza kwakare, vati VaMnangagwa vakasaita zvavataura, vachavaendesa kumatare edzimhosva neMuvhuro.

Emmerson Mnangagwa Switzerland Davos Forum
Emmerson Mnangagwa Switzerland Davos Forum

Vatiwo mauto ari kuuya husiku achirova zvakaipisisa vanhu vasina mhosva dzavakapara. VaSikhala vati kuita kwakadai kunotyora kodzero dzevanhu.

VaSikhala vaudza Studio7 kuti vakabuda mukuhwanda mushure mekuona kuti semutungamiri wevanhu, vanofanirwa kuramba vari pachena vachimirira kodzero dzevanhu vakavasarudza.

Vatiwo vakaudzwawo neshamwari dzavo kuti zviri nani kuti vaurayiwe nemasoja pane kuti vahwande, izvo vati zvakavapa zvivindi.

Kunyange hazvo vasisiri kuhwanda, VaSikhala vati mhuri yavo haisi kugara pamba pavo kudzamara zvajeka kuti hapana ari kuvaitira mweya wakaipa.

Hurumende yakadira mauto munzvimbo dzinogara veruzhinji zvichitevera kuratidzira kwakaitwa nenhengo dzeMDC Alliance dzichiti hadzisi kufara nemafambisirwo aiitwa zvinhu neZimbabwe Electoral Commission, Zec, mukubudisa zvakabuda musarudzo.

Vanhuwo zvavo vatanhatu vakanga vasineyi nekuratidzira uku, vakapfurwa nemasoja vakafa.

Mapurisa anonzi akasunga vanhu makumi maviri nevatatu achivapomera mhosva yekuita mhirizhonga.

Asi nyanzvi munyaya dzemitemo dzinoti hurumende yakatyora mitemo nekudira kwayakaita mauto mumigwagwa.

Members of the military gesture to the photographer as they patrol the streets of the capital Harare, Zimbabwe, Aug. 2, 2018.
Members of the military gesture to the photographer as they patrol the streets of the capital Harare, Zimbabwe, Aug. 2, 2018.

Bumbiro remitemo rinopa chete mutungamiri wenyika masimba ekuti mauto aburitswe mabharaki achipinda muvanhu achibatsira mauto munguva nyika inenge isina kugadzikana.

Izvi zviri muchikamu 213 chebumbiro remitemo yenyika.

Mashoko ari kubuda anoti vakuru vemapurisa vakakumbira kubatsirwa nemauto pasi pemutemo wechikamu 37 chePublic Order and Security Act.

Nyanzvi munyaya dzemitemo dzinoti chikamu chakashandiswa kudaidza mauto kuti abatsire mapurisa, hachitaure nezvesimba rine mutungamiri wenyika, nokudaro zvakaitwa zvekuisa mauto muvanhu hazvisi pamutemo.

Nyanzvi idzi dzinotiwo gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika harinawo masimba pasi pebumbiro remitemo yenyikaekuti riburitse mauto mumabharaki achipinda muvanhu kunochengetedza runyararo, sezvo masimba ari mumaoko emutungamiri wenyika.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vanotiwo mauto haafanirwe kungodirwa muvanhu sezvo akadzidziswa kuuraya, kwete kunyengetedza vanhu kuti vaite runyararo.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remauto kana remapurisa.

Asi vachipindura mibvunzo yevatori venhau muHarare neChishanu, VaMnangagwa vakati kana vagadzwa zviri pamutemo semutungamiri wenyika, vachagadza komisheni yekoongorora zvakaitika zvakapa kuti vanhu vatanhatu vafe mushure mekupfurwa nemauto nemusi weChitatu.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG