Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vasangana nevamwe vavo vari muchikwata che Political Actors Dialogue, kana kuti Polad, vakakurukura nyaya dzakasiyana siyana dzinobata nyika.
VaMnangagwa vaudzwa zvabva kumakomiti matanhatu anoshanda ari pasi pe Polad, uye vanonzi varatidza kufadzwa zvikuru nezvabva kumakomiti aya.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa kumutauriri waVaMnangagwa, Va George Charamba, kuti tinzwe pamire VaMnangagwa.
Asi sachigaro wekomiti yezvemitemo, uye vari mutungamiri we National Constitutional Assembly, Professor Lovemore Madhuku, vanoti musangano wavo naVaMnangagwa wafamba zvakanaka chose.
Asi VaMadhuku, avo vanova nyanzvi munyaya dzemitemo, vanoti komiti yavo yazivisa mutungamiri wenyika zvaisiri kuwirirana nazvo mukuvandudzwa kwebumbiro remitemo yenyika.
VaMadhuku vati komiti yavo iri kuda kuti huwandu hwemadzimai huve hwakaenzana nezvigaro zvevanhurume mudare reparamende.
Vatiwo komiti yavo haisi kuwirirana nepfungwa yekuti mutungamiri wenyika kana aching afa, anotora chigaro ichi haafanirwe kunge achidomwa nebato remufi.
VaMadhuku vanotiwo havasi kuwirirana nehurongwa hwehurumende hwekuti bhiri rekuvandudza bumbiro remitemo, reConstitutional Amendment Bill Number 2, huitwe neparamende veruzhinji vasina kupihwa mukana wekupa pfungwa dzavo.
VaMadhuku vanoti havawirirane zvakare nepfungwa ine hurumende pamwe nebato reZanu PF yekuti bumbiro remitemo yenyika ringovandudzwa pamadiro nevanhu vashoma.
Facebook Forum