Accessibility links

Breaking News

VaChibaya Voramba Vari Mutirongo Kusvika neMugovera


ZDI Director Dr Pedzisai Ruhanya left and MDC-T Organising Sec Amos Chibaya
ZDI Director Dr Pedzisai Ruhanya left and MDC-T Organising Sec Amos Chibaya

Mumiriri weMkoba muparamende, VaAmos Chibaya, vacharamba vari mutirongo kusvika musi weMugovera zvichitevera kubvuma kwaita mumwe mutongi wedare chikumbiro chemuchuchisi chekuti varambe vari muhusungwa mapurisa achipedzisa kuferefeta nyaya iyi.

VaChibaya, avo vakasungwa nemusi weChipiri mushure mekubhadhara mari yechibatiso, vari kupomerwa mhosva yekuda kuvhiringidza hurumende yakasarudzwa zviri pamutemo zvichitevera mashoko avanonzi vakataura nebepanhau reDaily News rakaburitswa musi wa2 Ndira apo vanonzi vakati vaizokurudzira ruzhinji munyika kuti rwuratidzire kusafara kwarwo nehurumende nekufora vachienda kumba kwemutungamiri wenyika kuState House.

Mupurisa akasunga VaChibaya, VaGift Mugaragumbo, vaudza dare kuti vari kuita chikumbiro chekuti varambe vari muhusungwa nekuti vanoda kuti vawane nguva yekuunza bepanhau iri kudare uye vanoda kubvunzurudza vatapi venhau vanonzi vakanyora nyaya iyi vanove Mugove Tafirenyika naTendai Kamhungira.

Gweta raVaChibaya, VaReginald Chidawanyika, vabvunzurudza mutikitivha VaMugaragumbo kuti sei kusvika pari zvino vange vasina kukwanisa kuwana bepanhau iri kana kubvunzurudza vatapi venhau ava ipo pave nemazuva maviri vakasunga VaChibaya.

Vati zvinoshamisa kuti panguva ino apo vanhu vave kushandisa hunyanzvi hwekufambiswa kwemashoko VaMugaragumbo vangatadze kuunza bepanhau iri vachishandisa indaneti.

VaChidawanyika vaudza dare kuti chikumbiro chekuti VaChibaya hachifanirwe kutambirwa nekuti mapurisa ari kuratidza pachena kuti ari kutambisa nguva yedare nekudhonza tsoka panyaya iyi.

Vatiwo kana kuchitariswa kuti mapurisa akasunga VaChibaya vachangobva mukupiwa mvumo yekubhadhara mari yechibatiso pane imwe mhosva yavari kupomerwa,uyewo kuti mapurisa akavasunga aya aisvika masere, izvi zvinoratidzapachena kuti maatiro akadai ndeekuda kushungurudza VaChibaya zvenhando uye kutyora kodzero dzavo.

VaChidawanyika vatiwo sezvo mutikitivha VaMugaragumbo vange vabvuma kuti bepanhau rine muzinda waro kuHarare zviri pachena kuti dare remuGweru haraikwanisa kuti rive iro rinopa mvumo yekuti VaChibaya varambe vari muhusungwa.

Asi mutongi wedare, Amai Charity Maphosa, vabvuma chikumbiro chemuchuchisi vachiti kana kwakatariswa mafambisirwo emutemo, mhosva iri kupomerwa VaChibaya hainganzi ine nzvimbo imwe chete yainonzi ingaitirwa nekudaro dare ravo rine mvumo yekupa chikumbiro ichi.

Amai Maphosa vabvuma kuti mapurisa haangasunge munhu vasati vapedza kuferefeta mhosva yavanenge vachimupomera asi vati vanogutsikana kuti pane chikonzero chakakwana chekuti mapurisa awane nguva yekupedzisa zvavari kuda kuita.

VaChibaya, avo vanove murongi wemabasa mubato reMDC ndemumwe wevamiriri veparamende veMDC vatanhatu vari kupomerwa mhosva dzakasiyana siyana dzine chekuita nemhirizhonga yakaitika munyika pashutdown.

Vebato reMDC vanoti vamiriri vavo pamwe nenhengo dzavo dzinopfuura mazana mashanu vakasungwa vasina mhosva yavapara iri nzira yekuvashungurudza nekuda kwekuti vanotsigira bato rinopikisa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG