Accessibility links

Breaking News

Paramende Yotarisirwa Kumbovhara Kuitira Hurongwa hweBumbiro Idzva


Chirongwa chekunzwa pfungwa dzevanhu pakunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika chiri kutarisirwa kutanga kwemwedzi unouya, pasina kuvandudzwa kana kubviswa kwemitemo inodzvanyirira kodzero dzevanhu, yakaita sePOSA, sezvanga zvakatarisirwa.

Zvinonzi komiti iri kutungamira chirongwa ichi yakakumbira kuti matare ose anoti reSenate neHouse of Assembly ambovhara kuitira kupa nhengo dzematare aya mukana wekupindawo muhurongwa hwekunyorwa kwebumbiro idzva.

Asi sangano rinoongorora nyaya dzemitemo pamwe nemashandiro ematare eparamende, Veritas, rinoti izvi zvikaitika, zvinenge zvava kureva kuti matare aya haachina nguva yekuvandudza mitemo iyi, sezvo matare aya achizovhurwa pakati paChikumi.

Komiti yeparamende inoona nezvemitemo inonzi yakapedza kunzwa pfungwa dzevanhu pamusoro pemavandudzirwo angaitwe mutemo wePOSA, uye zvinonzi vanhu vose vakakurudzira kuti mutemo uyu ubviswe, panyorwe mumwe mutsva unoremekedza kodzero dzevanhu.

Mukokeri weMDC mudare reparamende, House of Assembly, VaInnocent Gonese, vaudza Studio 7 kuti kumbovharwa kweparamende hakukanganisi kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo, sezvo matare aya achikwanisa kungogara nyange nechimbichimbi.

XS
SM
MD
LG