Vanochera goridhe munharaunda yeRedwing kuPenhalonga vanoti vazvipira kunyoresa kuhurumende kuitira kuti vaite basa ravo zviri pamutemo, izvo zvinozoita kuti vasagare vakanetswa nemapurisa.
Vacheri vegoridhe ava vanoti vane hurongwa hwekunyoresa kubazi rinoona nezvezvicherwa nechinangwa chekuti vazvidzivirire kumapurisa anogara akavanetsa pose pavanenge vachichera goridhe zviri kunze kwemutemo.
Mamwe madzimai anosvika makumi maviri nemashanu akaumba zvikwata zvishanu vaine chinangwa chokunyoreswa kuhurumende.
Asi madzimai naya anoti haana mari inodiwa yekunyoresa kuti zvinhu zvive mugwara.
Vanoti kuti zvose zviitwe, panodiwa mari inodarika zviuru zviviri zvemadhora.
Mumwe wemadzimai aya, ndi Amai Lydia Magamba, avo vanoti zvinhu zvikaitwa zviri pamutemo, zvinovanakira sezvo vanenge votengesa goridhe ravo zviri pamutemo, vachiwana mari yakanaka.
Amai Keresenzia Chimwanerangu mumwewo wevanoita basa rekuchera goridhe asi vachibva kuHeadlands.
Amai ava vanoti vanosangana nematambudziko ekuti nguva zhinji vanenge vachiita hwakiti nagonzo nemapurisa.
Amai Chimwanerangu vanoti vanovimba kuti vakabatsirwa nekunyoreswa kuti vaite zviri pamutemo, vanokwanisa kutenga michina yekuita basa rekuchera kuitira kuti basa iri rireruke uye kuti rive nechiremera.
Mumwe wemadzimai aya, Amai Shylet Rwodzi, vanotiwo vari kurarama nekuchera nekutengesa goridhe, zvisineyi kuti mari yavari kuwana inenge iri shoma.
Amai Rwodzi vanoti chakakosha pari zvino kuwana pekushandira vakasununguka uye vaine zvekushandisa zvakakwana.
Mumwe anochera goridhe kuTsvingwe, Amai Munashe Marwa, vanotiwo havachadi kushanda vachitiza mapurisa mazuva ose, sezvavari kuita pari zvino izvo zviri kuvashingisa kuti vaunganidze mari yekunyoresa.
Amai Sifelane Zuze vanotiwo sebasa ravajaira, vanoshuvira kuti vachengetedzwe nemutemo kana vachinge vagadzirisa mapepa avo.
Vanoti vanoda kuita izvi sezvo vanzwa nekutsotsiwa nevamwe vavanoshanda navo sezvo vachiziva kuti hapana kwavanoenda nekuda kwekuti vari kuita zviri kunze kwemutemo.
Mukuru werimwe sasangano riri kuda kubatsira madzimai aya kuti vanyorese kuhurumende kuitira kuti vakwanise kuchera goridhe zviri pamutemo, uye kuti vakwanise kuwanirwa chikwereti chekuti vatenge michina yekushandisa, VaFarai Maguwu, vanoti vari kubatsira zvakare vanhu ava kuti varongekane voshanda vari muzvikwata nezvikwata kuitira kuti vataure neizwi rimwe chete.