Accessibility links

Breaking News

Mashoko aVaMnangagwa Okuti Hapana Munhu Akaurayiwa neMasoja Okonzera Mutauro


Jacob Mafume, spokesman for opposition Movement for Democratic Change says army and police assaulting protestors (C Mavhunga/VOA)
Jacob Mafume, spokesman for opposition Movement for Democratic Change says army and police assaulting protestors (C Mavhunga/VOA)

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, pamwe nebato ravo reZanu PF, vari kushoropodzwa nevanhu vakawanda vachipomerwa mhosva yekunyepera vanhu kumusangano uchangopera kuitwa kuEthiopia, weAfrican Union, kuti hapana vanhu vakaurayiwa, kurohwa, kana kubhinywa nemauto munguva yemhirizhonga yakaitika mwedzi wapera.

Vachitaura nenhepfenyuro yeFrance 24 vari kumucheto wemusangano uyu, VaMnangagwa vakati kana paine vanhu vakabatwa chibharo, kurohwa kana kuurayirwa hama dzavo ngavabude pachena kuburikidza nekuenda kumapurisa ari pedyo navo, kana kuti kuenda kumakereke ari pedyo navo kana vatya kuenda kumapurisa.

Nekuda kwekushungurudzwa kwevanhu uku, nyika dzinosanganisira America neBritain, dzakakurudzira hurumende kuti itore matanho ekumisa kushungurudzwa kwevanhu, uye kuti mauto abviswe mumigwagwa.

Nyika idzi dziri kukurudzirawo kuti vese vane chekuita nezvekugadzikana kwenyika vaite nhaurirano dzinokokerwa nevanhu vasina kwavakarerekera.

Vanhu vanosvika gumi nevanomwe vanonzi vakaurayiwa nevanofungidzirwa kuti mauto mumhirizhonga iyi, vakawanda vakakuwadzwa, vamwe vanodarika chiuru vakasungwa.

Mutauriri weMDC, VaJacob Mafume, vanoti hazvibatsiri kuti mtungamiri wenyika anoenda kunoudza nyika dzekunze manyepo, asi pasi rose richiziva zvakaitika.

Asi nhengo yevechidiki veZanu PF, vari kudivi rekuburitswa kwemashoko, VaTafadzwa Mugwadi, vanoti mutungamiri wenyika akaita zvakanaka kuudza chokwadi pasi rose.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG