Nhengo dzesangano rinonzi Broad Alliance Against Sanctions dziri kuratidzira dziri panze pemuzinda weAmerica muHarare dzichiti dzinoda kuti nyika iyi ibvise zvirango zvehupfumi zvakatemerwa Zimbabwe.
Broad Alliance Against Sanctions isangano rakarerekera kuZanu PF.
Pashanyirwa muzinda weAmerica muHarare, Studio7 yawana paine vanhu vanomwe vakagara pedyo negedhi vakabata zvinyorwa zvange zvichikurudzira kuti America ibvise zvirango zvavanoti zvakatemerwa nyika. Varatidziri ava vati nhasi izuva rechinomwe.
Mutauriri weBroad Alliance Against Sanctions, Amai Sally Ngoni, vati havasi kufara nezvirango zvehupfumi izvi vachiti zviri kukanganisa vanhuwo zvavo kwete hutungamiriri sezvinotarisirwa.
Amai Ngoni vati vanoona sekuti hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa iri kugadzirisa zvakaita kuti Zimbabwe itemerwe zvirango zvehupfumi nekudaro hurumende yeAmerica inofanirwa kuvapa mukana.
Mumwe wevari kuratidzira ava, VaPatson Murimoga, vati kubviswa kwezvirango zvehupfumi kunopa mukana hurumende iripo kuti igone kana kutadza kutungamira nyika pasina chavanonenera.
VaMurimoga vaudza Studio 7 kuti havasi kuzobva pamuzinda uyu zvirango zvisati zvabviswa.
Mutauriri weAmerica muZimbabwe, Amai Stacy Lomba, vati vakasangana nevaratidziri ava kutanga kwesvondo.
Vati ikodzero yevana veZimbabwe kuungana vachiratidzira. Amai Lomba vati vanokurudzira Zimbabwe kuti irambe ichivandudza nyaya dzematongerwo enyika nedzehupfumi.
Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, uye vari mukuru wesangano ravana chipangamazano, re Zimbabwe Democracy Institute, VaPedzisai Ruhanya, vati zvirango zviri kunyanyokuvadza nyika huori nemusindo nekudaro vari kuratidzira ava vanofanirwa kutanga vaona kuti izvi zvagadziriswa.
America yakatemera zvirango zvehupfumi nekufamba kuvakuru vehurumende yeZimbabwe nemadzisahwira avo muna 2001 nechinangwa chekuti vachinje maitiro avo panyaya dzekodzero nekuremekedzwa kwemitemo yenyika.
Facebook Forum