Sangano reDanish Church Aid richishanda nekambani yeSchweppes Zimbabwe rakumikidza nzvimbo nhanhatu dzekuti vagari vari munzvimbo
dzinonetseka kuwana mvura muBulwayo, vawane mvura iyi nyore.
Vachitaura neStudio7 pakukumikidzwa kwenzvimbo yakadai mumusha
wePumula South, mukuru weSchweppes mudunhu reBulawayo, VaNash Mashavave, vati vakaona zvakakodzera kubatsira kanzuru yeguta
reBulawayo nekuziva dambudziko rekushaikwa kwemvura rakatarisana
nevagari.
Kanzuru yeguta reBulawayo ine hurongwa hwekuve nenzvimbo dzakadai
dzinosvika makumi maviri neshanu dzekuti vagari vanenge vachikwanisa
kuchera mvura pachena.
Sachigaro wekomiti yeEngineering Services mukanzuru, VaErnest
Rafamoyo, vati kanzuru inofara kuti kune masangano nemakambani ari
kuzvipira kubatsira kanzuru padambudziko rekushaikwa kwemvura.
Nvzimbo imwe chete yekuti vanhu vawane mvura inenge ine tangi remvura
pamwe nepombi dzekuti vagari vachere mvura, uye nzvimbo imwe chete
yakadai yakavakwa nemari inosvika zviuru zvina zvemadhora ekuAmerica.
Mumwe mugari wemumusha wePumula South, VaMarko Dengu, vati nzvimbo yavo yange yave nenguva isingawane mvura vachitiwo kuwana mvura kubva kuzvibhorani range riri dambudziko guru nekuti panenge pane vanhu vakwanda vanenge vachida mvura iyi.
Mumwe mugari wemunzvimbo iyi, Amai Beatrice Tsuma, vatsinhirawo izvi vachiti kushaikwa kwemvura kwange kwave kukonzera matambudziko akawanda vakati vafara zvikuru nehurongwa uhu.
Guta reBulawayo rakatarisana nedambudziko remvura yakakwana zvekuti
pari zvino vagari vari kuwana mvura kamwe chete pasvondo.
Pane vanhu gumi nevatatu vafa nechirwere chemanyoka kusvika pari zvino
nekuda kwedambudziko rekushaikwa kwemvura iri.
Facebook Forum