Accessibility links

Breaking News

Kutyisidzirwa kweVanhu Koramba Kuchienderera Mberi


Sangano reCrisis In Zimbabwe Coalition rinoti kutyisidzirwa kwevanhu nevaimbove varwiri vehondo yerusunguko, pamwe nenhengo dzeZANU-PF, kuri kuwedzerwa munguva iyo nyika iri kuda kunyora bumbiro idzva remitemo yenyika.

Sangano iri rinoti izvi zviri kuitika kuMashonaland Central munzvimbo dzakaita seChakonda kuShamva. Vagari veko vanoti vatsigiri veMDC vari kutyisidzirwa nemasabhuku.

Izvi zvinonzi zviri kuitikawo mumativi mana ose enyika.

Vanoongorora zvematongerwo enyika, uye vachishanda neCrisis in Zimbabwe, VaPedzisai Ruhunya, vanoti vanhu vari kutungamira hurongwa hwekutyisidzira vanhu vanozovikanwa zvikuru.

sanga

XS
SM
MD
LG