Rimwe sangano rinorwira kodzero dzevanhu, reCentre for Community Development of Zimbabwe, CCDZ, rinoti mitemo ine chekuita nesarudzo inofanirwa kutanga yagadziriswa sarudzo dziri kutarisirwa kuitwa gore rinouya dzisati dzaitwa.
Sangano iri riri kukurudzirawo kuti hurumende ibvumidze dzidziso ine chekuita nesarudzo nguva ichiripo, kuitira kuti vanhu vazopinda musarudzo vava neruzivo rwakakwana pamusana pekodzero dzavo sevavhoti.
Zvimwe zvinonzi neCCDZ zvinofanirwa kuitwa kuzivisa huwandu hwemagwaro achange achishandiswa musarudzo, uye kuvandudzwa kwemutemo weCitizenship Act, kuitira kuti vanhu vakatorerwa kodzero dzavo dzekuvhota vachinzi vabvakure, vadzorerwe kodzero idzi. Hurumende yakatora kodzero dzevanhu ava mugore ra2003.
Mukuru wesangano iri, VaPhilip Pasirayi, vaudza Studio7 kuti mitemo yePublic Order and Security Act pamwe neAccess to Information and Protection of Privacy, inofanirwawo kuvandudzwawo kuitira kuti vanhu vasambunyikidzirwa kodzero dzavo munguva dzegadziriro dzesarudzo.