Sangano rinomirira vashandi, re Zimbabwe Congress of Trade Unions, kana kutiZCTU, rinoti rinotambira nemufaro gwaro re International Labour Organization, kana kuti ILO, iro rinokurudzira hurumende kuti isatyore kodzero dzamasangano anorwira kodzero dzevashandi.
Izvi zvinotevera kukwidzwa kwakaitwa nyaya iyi ku ILO neZCTU
Vachitaura nevatori venhau pamuzinda wesangano ravo, mutungamiri weZCTU, VaLovemore Matombo, vati gwaro re ILO iri rinochenura ZCTU iyo inogaro pomhedzerwa mhosva nehurmende yokusvibisa zita rayo.
VaMatombo vashora kutyorwa kwekodzero dzemasangano anorwira kodzero dzevashandi uko kwavati kuri kuramba kuchienderera mberi kunyange hazvo munyika makaumbwa hurumende yemubatanidzwa
ILO inoti kurohwa, kusungwa pamwe nekushungurudzwa kwevamiriri vevashandi, kunofanira kupera zvachose.
Mashoko eILO aya anouyawo apo munyori mukuru musangano rinorwira kodzero dzevashandi vemumapurazi reGeneral Agriculture and Plantation Workers Union of Zimbabwe, Amai Getrude Hambira, vatiza munyika masvondo mashoma achangopfuura, mushure mekushungurudzwa nevanofungidzirwa kuti vasori.
Hurumende ine mwedzi mitatu yokupindura kuILO, uye VaMatombo vati kana hurumende ikasatevedzera zvakataurwa neILO, nyaya iyi ichakwidzwa ku International Criminal Court of Justice.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuna Amai Paurina Gwanyanya, sezvo nhare yavo yanga ichinetsa kubata, kunyange hazvo vanga vavimbisa kutaura nenhepfenyuro ino.
VaMatombo vati mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mutungamiri wehurumende, Va Morgan Tsvangirai, pamwe negurukota rinoona nezvemabasa evashandi vasiri vehurumende, Amai Paurina Gwanyanya Mpariwa, vakatosvitswa gwaro iri.
Nyaya yehurumende yeZimbabwe yekushungurudza vashandi vayo ndeye kutanga kuzeyewa nesangano reILO. VaMatombo vati izvi zvinoratidza huremu hwenyaya yekushungurudzwa kwevashandi nehurumende, uko kuri kuitika munyika.
Imwe nhengo yekomiti yeparamende inoona nezvevashandi pamwe nekugara zvakanaka kwevanhu, VaCollin Gwiyo, vanoti hurumende inofanirwa kupindura zviri mugwaro reILO.