Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Mbudzi 23, 2017

Asylum-seekers wait for news of policy changes at the border in Tijuana, Mexico. After waiting months in Mexico, people seeking asylum in the U.S. are being allowed into the country starting Feb. 19, 2021, as they wait for courts to decide on their cases.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutungamiri weZanu PF mutsva, VaEmmerson Mnangagwa, votoreswa mhiko muHarare yekuva mutungamiri mutsva weZimbabwe.

Mapato anopikisa ane nhengo mumatare eNational Assembly ne Senate anoti haana kukokwa kuhurongwa hwekutoresa mhiko VaMnangagwa kuNational Sports Stadium.

Vanhu vakawanda votarisira kuhurongwa hwekugadza VaMnangagwa semutungamiri wenyika vachida kuona zvichaitwa nevakasiya basa rekutungamira nyika, VaRobert Mugabe pakutambidzanwa kwemasimba.

Vanhu vekuMatabeleland ne Midlands voshushikana nekupinda panyaya kwaVaMnangagwa vachiti zita ravo rinovayeuchidza zvakaitika munguva yeGukurahundi.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na 8pm, tiri kutarisa zviri kuitika muZimbabwe, uye pamire vanhukadzi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose…

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG