Mutungamiriri webato rinopikisa reRenewal Democrats of Zimbabwe, VaElton Mangoma, vanoti kunyange hazvo bato riri kutonga reZanu PF rakashandura hutungamiriri gore rapfuura, vanhu vanofanira kuburitsa bato iri muhurumende musarudzo gore rino nekuti ndiro bato rakawondonga hupfumi uye vazhinji vaishanda nevaimbove mutungamiriri webato iri nenyika, VaRobert Mugabe, vachirimo muhurumende.
Sangano reZCTU Young Workers Committee rinoparura chirongwa chekukurudzira kudzikiswa kwemitengo yezvinhu munyika.
Vahari vekuMasvingo vofarira kubvisirwa kwavaitirwa imwe yemari yechikwereti chemvura senzira yekuti vaite hurongwa nekanzuru yavo hwekubhadhara mari dzavanadzo kukanzuru.
Hurumende inoti mari yakanga yaburitswa kunze kwenyika zvisiri pamutemo iri kudzoserwa munyika, asi nyanzvi munyaya dzemari dzinoti hurongwa uhu hauna kujeka.
Muchirongwa che The Connection na 8pm, tiri kutarisa kushandiswa kuri kuitwa social media munyaya dzematongerwo enyika, pamwe nezvimwe zvinhu zvakakosha munyika.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am, uye 2pm mazuva ose.
Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.
Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/
Facebook Forum