Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoudzwa nevemabhizinisi munyika kuti vanofanirwa kuona kuti munyika maita zvose zvinodiwa kuitira kuti vemabhizinisi vaite basa ravo pasina chinovambunyikidza, uye kushandisa mukana wekuita apo vachange vari kumusangano kuDavos.
Vakafanobata chigaro chemutungamiri weMDC-T, Engineer Elias Mudzuri, vanoti bato ravo rakagadzirira zvakasimba kukunda musarudzo dzichaitwa munyika sezvo ragara richikunda musarudzo dzinoita munyika kunyange hazvo Zanu PF yaibiridzira musarudzo dzacho.
Vakarwa muhondo yerusununguko vanoti hurumende yaVaMnangagwa haisati yavapa mari dzechikoro dzevana vavo sezvinotarisirwa, uye vanoda kuti mari idzi dzibhadharwe nechimbi chimbi.
Vechidiki vakawanda munyika vovhiringa hupenyu hwavo nezvinodhaka zvavari kushandisa.
Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na 8pm, tiri kutarisa mabhizinisi angaitwa nevanhukadzi panguva iyo zvinhu zvakaoma munyaya dzehupfumi.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am, uye 2pm mazuva ose.
Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.
Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/
Facebook Forum