Misoro yenhau dzedu dzanhasi, Muvhuro, Zvita 24, 2018
Vanachiremba vari pakuramwa mabasa vopihwa matsamba ekuvamisa basa neHealth Services Board.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakurudzira vanhu kuti vabatane pazuva rekisimusi kunyangwe hazvo hupfumi hwenyika husina kumira zvakanaka.
Mutungamiri weMDC VaNelson Chamisa vange vari kuMbare nhasi vachisangana nevanhu.
Vanhu votaura neStudio 7 nezvegadziriro yavo yezuva rekisimusi.
Hurumende inoti yave kutaura neDelta kuti iwane mari yekugadzira kokokora mushure mekuynge kambani iyi yambomisa kugadzirwa kwechinwiwa ichi.
Vanhu vakawanda vave kubuda muchipatara chikuru cheChinhoyi vachinorapwa kumakiriniki ekanzuru nekuna nachiremba vanoshanda vakazvimirira.
Muchirongwa chedu cheLiveTalk na8.pm nhasi, tiri kutarisa zviri kuitwa nevanhu kugadzirira kisimusi mangwana.
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7 pm uye na 6 mangwanani pamasaisai anoti 909 am 4930; 15460 ne (13860) Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 AM, (6175 ne 9875) Short Wave.
Facebook Forum