Accessibility links

Breaking News

Misoro yenhau dzanhasi, Muvhuro 14 Ndira, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Misoro yenhau dzanhasi, Muvhuro 14 Ndira, 2019

Mumaguta mazhinji emunyika kusanganisa muHarare neBulawayo maita kuratidzira zvinotyisa uye vamwe vanhu vanonzi vapfuurwa nevanofungidzirwa kuti mauto. Vamwe vakawanda vasungwawo.

Apo munyika maita kusagadzikana uku, mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanosvika kuRussia kumusangano nemutungamiri wenyika iyi VaVladimir Putin.

Masangano akazvimirira oshora nyaya yekushandiswa kwepfuti nemapurisa mukuratidzira uku hurumende ichishora masangano aya kuti Ari kupindira munyaya dzezvematongerwo enyika.

Mukuru wevatongi vedzimhosva munyika, Chief Justice Luke Malaba, nhasi vaparura kushanda kwematare zviri pamutemo gore rino vachiti vanhu vanofanira kuremekedza mitongo yematare zvisinei nekuti inovafadza here kana kuti kwete.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa mamiriro akaita zvinhu munyika vanhu vachiratidzira vamwe vachipfurwa.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG