Accessibility links

Breaking News

Mapato Madiki Oronga Kuita Nhaurirano neZanu PF neMDC yaVaChamisa


Thokozani Khupe
Thokozani Khupe

Mapato madiki matatu anopikisa asangana muHarare akabuda nechisungo chekutanga kutaudzana nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nemutungamiri webato guru rinopikisa, VaNelson Chamisa, kuitira kuti paitwe nhaurirano munyika.

Mapato anopikisa matatu anoti rePeople’s Democratic Party, PDP, reCoalition of Democrats, Code pamwe neMDC inotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe, aita musangano muHarare nhasi akabvumirana kutanga kutaudzana naVaMnangagwa naVaChamisa kuitira kuti nhaurirano dzevemapato ezvematongerwo enyika, vedzisvondo pamwe nevemasangano anoshanda akazvimirira, dziitwe munyika.

Muzvare Khupe vaudza vatori venhau mushure memusangano uyu kuti nhaurirano idzi dzakanangana nekuyambutsa veruzhinji munyika pamatambudziko avari kutarisana nawo.

Muzvare Khupe vatiwo mapato avo ari matatu ari kushushikana zvikuru nenyaya dzekusamira zvakanaka kwehupfumi hwenyika pamwe nenyaya dzekusachengetedzeka kwakaita veruzhinji zvichitevera kusungwa kuri kuitwa vanhu vanonzi vakaratidzira munyika masvondo maviri adarika pamwe nekurohwa nekubatwa chibharo kunonzi kwakaitwa madzimai akawanda nevanhu vanonzi vainge vakapfeka mbatya dzechiuto.

Izvi zvatsinhirwa nemutungamiri weCode, VaTrust Chikohora, avo vati vachakumbirawo boka reNational Peace and Reconciliation Commission, kana kuti NPRC, kuti rivabatsire kuti nhaurirano idzi dziitwe.

Asi mutungamiri wePDP, Amai Lucia Matibenga, vati hazvidi mutongi gava kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvigare pasi zvichizeya matambudziko akatarisana nenyika nechinangwa chekutsvaga nzira dzokuti zvose zvakaminama munyika, izvo zvinosanganisira hupfumi hwenyika pamwe nekusawirirana munyaya dzezvematongerwo enyika, zvigadziriswe.

Amai Matibenga vati chinodikanwa kuzvipira kwevemapato ezvematongerwo enyika.

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari gweta rinoshanda nesangano rinorwira kodzero dzevanhu kuchamhembe kweAfrica reHuman Rights Watch, VaDewa Mavhinga, vati nhaurirano idzi dzinenge dzisina maturo kana dzichiitwa veruzhinji vachishungurudzwa.

Studio7 haina kukwanisa kubata mutauriri weZanu PF, VaSiomn Khaya Moyo, kuti tinzwe kuti bato ravo rinotambira seyi zvarongwa nemapato ayo.

Asi VaMnangagwa pachavo vakataura svondo rapera kuti munyika munofanira kuitwa nhaurirano izvo zvagara zvichikurudzirwa naVaChamisa asi hapana danho rati ratorwa nemutungamiri wenyika kunze kwekutaura kwavakaita kunyange hazvo VaChamisa vakavanyorera rushanu nezvenyaya iyi pasina mhinduro.

VaChamisa vanogara vakataura kuti munyika munofanira kuitwa nhaurirano zvichitevera kusafamba zvakanaka kwakaita sarudzo dzegore rapera idzo dzinonzi neMDC yaVaChamisa dzakabirirwa zvemhando yepamusoro-soro.

Asi Zanu PF inoti yakakunda zvine mutsindo musarudzo idzi, izvo zvakatambirwawo nedare reConstitutional Court.

VaChamisa vakakumbira nezuro masangano akaita seSouthern African Development Community, neAfrican Union kuti apindire munyaya yeZimbabwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG