Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vanoti Zviri Kukurudzirwa Zvinogona Kunetsa Nzvimbo Dzinogara Vanhu Vakawanda


A man wearing a mask is seen near a food queue in Harare, Zimbabwe, March 25, 2020.
A man wearing a mask is seen near a food queue in Harare, Zimbabwe, March 25, 2020.

Nyanzvi munyaya dzekodzero dzevanhu dznoti zvimwe zviri kukurudzirwa pakudzivirira chirwere cheCoronavirus, zvekuti vanhu vagare vasiri pedyo nemumwe kwemita imwe chete, kana kuti Social Distancing, zvinogona kunetsa kutevedza mumisha inogara veruzhinji umo vanhu vanogara vakamanikidzana sembeva.

Chimwewo chiri kukurudzirwa kuti vanhu vagare vachigeza maoko avo nemvura yakachena senzira yekuti vasabatire chirwere cheCoronavirus, icho chabata vanhu vanomwe munyika, panguva iyo pombi dzemvura mumadhorobha nemaguta akawanda, dzisina mvura yacho.

Mumwe mugari wemumusha weMufakose muHarare, VaJeans Phiri, vanoti havawoni izvi zvichiitika nekuti vanogara vakawanda pamba pavo, uye mvura yakachena iri kunetsa kuwana.

Mumwe anogara pamba imwe chete naVaPhiri, VaWarren Jonasi, vanotiwo zviri kutaurwa izvi zvinogona kuitwa chete kune vanhu vane dzimba dzakakura, uye vaine mhuri shoma.

Vatiwo nyaya yekuti vanhu vagare kumba kana Lockdown inoita sekuti hurumende inovakoshesha asi vakati hupenyu hwakavaomera nekuti hurumende iti kutadza kuvariritira.

Asi mumwe mugari wemuBlock 8 muMbare, uyo asina kuda kudomwa nezita rake, audza Studio 7 kuti Coronavirus yacho ichanetsa kudzivirira nekuda kwemagariro ekumanikidzana avanoita mumahositeri pamwe nekushaikwa kwemvura yakachena.

Munyori mukuru musangano ranavachiremba vanoona nezvekodzero dzevanhu reZimbabwe Doctors for Human Rights, Dr Doctor Norman Matara, vaudza Studio 7 kuti chakakosha kuti vanhu vagare kudzimba dzavo zvisinei kuti vanogara vakawanda here kana kuti kwete.

Dr Matara vanoti kana vanhu vakagara padzimba dzavo hapana anounza chirwere ichi uye zvakakosha kuti vanhu vaitewo hutsanana nekugeza nemvura nesipo.

Vaimbove gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa, zvakare vari munyori anoona nezvehutano mubato guru rinopiksa reMDC, Dr Henry Madzorera, vaudza Studio 7 kuti zvakakoshawo kuti hurumende ipe vanhu pekugara zvakanaka senzira yekudzivirira zvirwere zvakaita seCoronavirus.

Vati kunyange hazvo nyaya dzakaita sekuti vanhu vasaungane uye kuti vagare vakaparadzana kana kuti Social Distancing dzakakosha, chinhu chikuru chinodiwa pakudzivirira Coronavirus kuwanisa vanhu mvura yakachena kuti vageze maoko avo kuitira kuti agare akachena nguva dzose.

Kunyange hurumende ichiti vanhu havafaniri kuungana, vanhu vari kutoungana kuzvibhorani mumaguta sezvo vasina mvura dzemupombi.

Hatina kukwanisa kunzwa kudivi rehurumende sezvo gurukota rezvehutano, Dr Obadiah Moyo, vange vasiri kudaira mbozhanhare yavo.

Asi VaMoyo vakaudza vatori venhau svondo rino kuti zvakakosha kuti vanhu vagare vachiita zvehutsanana nguva dzose kuitira kuti vasawirwe nedambudziko rechirwere cheCoronavirus.

Kunyange hazvo pari kukurudzirwa hutsanana, Coronavirus yakatobatawo vamwe vatungamiri venyika dzakabudirira vakaita saVaBoris Johnson vekuBritain, Prince Charles wekuBritain, mudzimai wemutungamiri weCanada, Amai Sophie Trudeau, dzimwe nhengo dzeparamende muAmerica pamwe nevashandi vemutevedzeri wemutungamiri weAmerica, VaMike Pence, nevamwe.

Kusvika pari zvino, Coronavirus iyo yabata vanhu vanodarika mazana matanhatu ezviuru pasi rose, yabata vanhu vanomwe muZimbabwe, uye mumwe wacho, Zororo Makamba, akashaya mukutanga kwesvondo rino

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG