Accessibility links

Breaking News

Dunhu reGauteng Roronga Kudzika Mitemo Inosarura Vabvakure


David Makhura
David Makhura

Mukuru wedunhu reGauteng muJohannesburg, VaDavid Makhura, vakazivisa neChipiri kuti nekufamba kwenguva, dunhu ravo richadzika mutemo unorambidza vekune dzimwe nyika kutanga mabhizimisi mudunhu ravo, sezvo izvi zviri kutadzisa zvizvarwa zvemuSouth Africa, kuti zviwanewo chekubata.

VaMakhura vakataura mashoko aya mudare ravo redunhu, apo vakange vachipindura mibvunzo yaibva kune dzimwe nhengo dzedare ravo.

Vanoona nezvekodzero dzavanhu vanoti mashoko akataurwa naVaMakhura anokonzeresa kuti pave neruvengo pakati pevanobva kunze kwenyika nezvizvarwa zvemuSouth Africa.

Mumwe muzvinabhizimusi muSouth Africa neZimbabwe, VaBrighton Sangore, vanoti mashoko akadai anobata zvizvarwa zvisiri zvemuSouth Africa, agara achitaurwa kwenguva yakareba muSouth Africa.

Sachigaro weHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti mashoko akadai haafanirwe kunge achibva pamuromo pemunhu anonyarikana saVaMakhura.

VaMavhinga vanoti mashoko aVaMakhura anotyora kodzero dzevanhu uye handicho chaive chido chevaimbove mutungamiri weSouth Africa, mushakabvu Nelson Mandela.

Sachigaro wesangano reZimbabwe Exiles Forum, VaGabriel Shumba, vanotiwo mashoko aVaMakhura anotyora mitemo yenyika, iyo isina rusarura pakuvambwa kwemabhizinesi.

VaShumba vanoti kana vekunze vachivhura mabhizimusi muSouth Africa, vanenge vachibatsira kusimudzira hupfumi hwenyika iyi.

VaShumba vanoti VaMakhura vanofanirwa kukumbira ruregerero kuzvizvarwa zvose zvekune dzimwe nyika zviri muSouth Africa.

VaShumba vanoti sangano reZimbabwe Exiles Forum riri kuita hurukuro nemamwe masangano akasiyanasiyana, senzira yekugadzirisa matambudziko akatarisana nezvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa.

Mashoko aVaMakhura anouya mushure mokunge zvitoro zvezvizvarwa zvekunze kweSouth Africa zvapazwa nekupiswa, ukuwo vatyairi vemagonyeti vachimbunyikidzwa kodzero dzavo, vamwe vachimanikidzwa kusiya basa nesangano rinozviti All Truck Drivers Foundation.

Sangano reHuman Rights Watch rinoti vanhu mazana maviri vafa mumhirizhonga yemuSouth Africa kubva muna Kurume gore rapera, vazhinji vavo vari vatyairi vanobva kune dzimwe nyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG