Accessibility links

Breaking News

Amai Winnie Madikizela Mandela Vanoradzikwa kuFourways muJohannesburg, South Africa


The casket carrying the remains of struggle icon Winnie Madikizela-Mandela arrives at the Orlando Stadium in Soweto, South Africa, Saturday, April 14, 2018. Madikizela-Mandela died on April 2 at the age of 81.
The casket carrying the remains of struggle icon Winnie Madikizela-Mandela arrives at the Orlando Stadium in Soweto, South Africa, Saturday, April 14, 2018. Madikizela-Mandela died on April 2 at the age of 81.

Gamba munyaya dzekurwira rusununguko muSouth Africa, Amai Winnie Madikizela-Mandela, varadzikwa neMugovera kumarinda eFourways muJohannesburg, kuSouth Africa.

Zviuru nezviuru zvevanhu zvaungana muOrlando Stadium mumusha weSoweto zvichionekana nemutumbi waAmai Mandela usati waenda kunovigwa kumarinda ekuFourways.

Vanhu varidza mhere inotyisa pasvika bhokisi raAmai Mandela, iro ranga rakaputirwa nejira rine marava emureza weSouth Africa, pamusoro paro paine maruva.

Vanhu vange vari munhandare iyi vazhinji vavo vanga vakapfeka mbatya dzine mavara emureza webato re African National Congress, mavara ebato reEconomic Freedom Fighters, vachiimba nziyo dzinoremekedza Amai Mandela.

Hurongwa kwekuvigwa kwaAmai Mandela hwanga huchitungamirwa nemutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, avo vakatora masimba kubva kuna VaJacob Zuma mwedzi miviri yapfuura.

Vamwe vevanhu vauya kuzoonekana nemutumbi waAmai Mandela vanosanganisira, VaZuma, vakambove mutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki, mutevedzeri wemutungamiri weZimbabwe, VaConstantino Guvheya Chiwenga, nevamwe vakuru vakuru muSouth Africa nenyika dzemuSADC, kusanganisirawo murwiri wekodzero dzevanhu vatema ane mukurumbira muAmerica, Reverend Jessie Jackson.

Imwe nhengo yeZimbabwe Solidarity Movement muSouth Africa, VaMunjodzi Mutandiri, varumbidza mufi nebasa guru raakaita mukurwira rusununguko rwemunhu wese muSouth Africa.

Chipangamazano paUniversity of Johannesburg, VaGideon Chitanga, vatiwo Amai Mandela vakakwanisa kurera mhuri yavo, pamwe nemhuri dzakawanda uyewo kusimbaradza zita remurume wavo, muchakabvu Nelson Mandela, apo vaive muhusungwa.

VaTrust Matsilele, avo vari kuita zvidzidzo zvepamusoro soro paUniversity of Johannesburg, vanoti Amai Mandela vakaratidza pasi rose kuti havasi vanhurume chete vanogona kurwisa rusarura ganda.

Kunyange hazvo Amai Mandela vari munhu anga achiremekedzwa, nhoroondo yavo yakasvibiswa muna 1991, apo Amai Mandela vakawanikwa vaine mhosva yekupamba munhu vakatongerwa kugara mujeri kwemakore matanhatu.

Asi dare rakazodzikisa mutongo uyu ndokuvapa mukana wekubvisa faindi.

Amai Mandela vakapedza makore anosvika makumi mana vasingagare nemurume wavo, uye pakafa VaMandela muna 2013, havana kana peni ravakasiyira Amai Winnie Mandela.

Amai Mandela vakashaya nemusi weMuvhuro svondo rapera mushure mekurwara kwenguva yakareba. Vanga vava nemakore makumi masere nerimwe,

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG