Accessibility links

Breaking News

Dare Rinotambira Chikumbiro chaVaZuma Chekuti Kutongwa kweMhosva Yavari Kupomerwa Kumbomiswa


In this Frame grab former South Africa President Jacob Zuma, appears on a screen virtually from the correctional service facility Estcourt, in Pietermaritzburg, South Africa, July 19, 2021.
In this Frame grab former South Africa President Jacob Zuma, appears on a screen virtually from the correctional service facility Estcourt, in Pietermaritzburg, South Africa, July 19, 2021.

Dare repamusoro muPietermaritzburg, South Africa, ratambira nhasi chikumbiro chemagweta ari kumirira vaimbove mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, chekuti dare iri rimbomisa kunzwikwa kwenyaya yehuori iri kupokerwa VaZuma kusvika mwedzi unouya.

Mutongo uyu wadzikwa neChipiri nemutongi wedare repamusoro, VaPiet Koen, mushure mekunge vaudzwa negweta guru raVaZuma, Va Dali Mpofu, kuti kutongwa kwaVaZuma hakufanire kuenderera mberi pakatariswa kodzero dzemusungwa dzinosungira kuti ange ari mudare panonzwikwa nyaya yake.

VaMpofu vakatiwo havadi kuti VaZuma vange vachitongwa pachishandiswa dandemutande, uye vakaudza dare neMuvhuro kuti vakakundikana kuwana nguva yekutaura nemusungwa nepamusana pemhirizhonga yanga ichiitika muSouth Africa iyo yakakonzeresa kuvharwa kwenzvimbo dziri muKwaZulu Natal neGauteng.

Kunyange hazvo vachuchisi vehurumende vakaramba vakatsika madziro vachiti nyaya iyi ienderere mberi ichinzwikwa padandemutande, VaMpofu vakati vanoda kuti VaZuma vanga vari mudare vachipa humbowo sezvinodiwa nebumbiro remitemo yenyika.

VaKoen, avo vatambira chikumbiro chaVaMpofu, vati vatora danho iri kyitira kuti vape magweta aVaZuma nevachuchisi vehurumende nguva yekugadzira magwaro achatsanangura kuti mhosva iyi ichafambiswa sei kana yotongwa.

VaZuma vanzi vadzoke mudare musi wa10 Nyamavhuvhu, paine tarisiro yekuti dare reConstitutional Court rinenge rapa mutongo waro pachikumbiro chakaitwa zvakare naVaZuma pamutongo wavakapihwa nedare iri wekuti vapike mujeri kwemwedzi gumi nemishanu.

Imwe nyanzvi mune zvemitemo, VaChrispen Machingura, vanoti mukana wapihwa VaZuma nedare, unoenderana nezviri mubumbiro remitemo yeSouth Africa

VaMachingura vatiwo pachadzoka nyaya yaVaZuma mudare musi wa 10 Nyamavhuvhu, dare richapawo mutongo waro pachikumbiro chemagweta aVaZuma chekuti VaBilly Downer vasamiririra vachuchisi sezvo maoko avo asina kuchena panyaya iri kupomerwa VaZuma.

VaZuma, avo vava nemakore makumi manomwe nemapfumbamwe ekuberekwa, vari keferefetwa nenyaya dzine chekuita nekushandiswa kwemari zvisiri pamutemo kubva muna 2009 kusvika muna 2018 apo vaive mutungamiri weSouth Africa.

Mhosva idzi dziri kupomerwawo mhuri yekwa Gupta, zvikuru vanakomana vanoti Atul, Ajay, naRajesh Gupta, avo vanonzi vaive pedyo zvikuru naVaZuma.

Asi VaZuma vari kuramba kuti vakapara mhosva idzi.

Zvichakadaro, runyararo rwave kudzoka zvishoma nezvishoma muSouth Africa, mushure mekunge hurumende yaendesa mauto zviuru makumi maviri nezvishanu munzvimbo dzanga dziri kupisa nemhirizhonga iyi.

Nhasi vanhu makumi matatu vakasungwa mumhirizhonga iyi, vamiswa mudare remuJohannesburg vachipomerwa mhosva yekuita mhirizhonga. Hurumende iri kutarisirwa kuona vamwe vanhu mazana maviri vachimiswa mumatare edzimhosva muJohannesburg mumazuva mshoma anotevera.

Gurukota rezvemapurisa, VaBheki Cele, vanoti vanhu vanodarika zviuru zvitatu nemazana mana vakasungwa mumhirizhonga yakaitika zvichitevera kuzviisa mumaoko emapurisa kwakaitwa naVaZuma kuitira kuti vatange kupika mwedzi gumi nemashanu yavakatongerwa kupika nedare reConstitutional Court.

VaZuma vakakandwa mujeri mushure mekuwanikwa vaine mhosva yekuzvidza Zondo Commission, iyo iri kuferefeta huori hwavari kupomerwa.

South Africa inotiwo vanhu mazana maviri negumi nevashanu, vakafa mumhirizhonga iyi, uye nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti hupfumi hweSouth Africa hunodarika bhiriyoni rimwe chete remadhora ekuAmerica, hwakaparadzwa mumhirizhonga kuburikidza nekubiwa kwezvinhu, kuparadzwa kwezvivakwa nezvimwe.

Kune vamwe vanhu vakatomiswa pamberi pematare edzimhosva mumaguta akasiyana siyana vakabhadhariswa mari dzechibatiso dziri pakati pechiuru chimwe chete nezviuru zvishanu zvemaRands kuitira kuti vatongwe vachibva kudzimba dzavo.

Mune imwewo nyaya, dare remuPretoria rarasa chikumbiro chebato rinopikisa re Economic Freedom Fighters, EFF, chekuti mutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, vazivise kurizhinji magwaro emari dzavo dzaive mumabhanga mugore ra2017.

EFF yanga ichida kuti bato reAfrican National Congress riburitse magwaro aro emari yakashandiswa mukutsvagira VaRamaphosa rutsigiro musarudzo yemutungamiri webato iri.

EFF iri kupomera VaRamaphosa mhosva yekuwana mari yakavaisa pachigaro zvisiri pamutemo, uye kushandisa mari iyi mukuwana rutsigiro.

Mutungamiri weEFF, VaJulius Malema, varatidza kushushikana kwavo nemutongo uyu paTwitter yavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG