Musangano wekuzeya mamiriro ezvinhu munyika wakarongwa neStudio 7 neMedia Centre nemusi weChina manheru wakaratidza kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika uye panoda kubatana nenhaurirano dzechokwadi dzekugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika.
Vachitaura pamusangano uyu, mutevedzeri wasachigaro weMDC inotungamirirwa naAdvocate Nelson Chamisa, VaJob Sikhala, vakati Zimbabwe yakatarisana nematambudziko munyaya dzematongerwo enyika, hupfumi, nenyaya dzesarudzo uye zvinoda kuti vanhu, masangano ese ezvematongerwo enyika, vedzisvondo nemasangano anoshanda akazvimirira, vagare vaite nenhaurirano dzine musoro.
Vakati ivo seMDC vachaita zvose zvavanokwanisa kugadzirisa zvinhu vachiti nhaurirano dziri kuitwa pari zvino, hadzina nematuro ose.
VaSikhala vakati bato ravo haricherechedzi VaMnangagwa semutungamiriri wenyika nekudaro nyaya yesarudzo inofanira kugadziriswa kuti hutongi hwemunhu anenge akunda musarudzo asapikiswa.
Asi vamwe vakaita saVaStephen Mambire vakati havaoni sekuti nyaya yekupikisa hutongo hwaVaMnangagwa ichashanda nekuti ndivo vave kutonga.
Asi VaSikhala vakati havagoni kuterera VaMnangagwa nekuti bato ravo haricherechedzi hutongo hwavo.
Mutungamiriri weLEAD, Amai Linda Masarira Kaingidza, vati vanhu vanofanira kusiyana nenyaya yekupikisa hutongo hwaVaMnangagwa votsvaga nzira dzekuti nyika ingafambire mberi sei.
Vakatiwo vezvematongerwo enyika vave kuisa zvido zvavo pamberi kwete zveveruzhinji.
Vakati vezvematongerwo enyika vanopikisana paruzhinji asi vanobatana kunzvimbo dzakaita separamende kana vachinge vave kurwira zvinhu zvakaita semotokari nemaari dzemihoro.
Asi vamwe vakaita saMuzvare Tatenda Majoni vakati zvinonetsa kuti vanhuwo zvavo vagadzirise zvinhu pachavo nekutivakaedza kuita izvi vanoitwa kafiramberi.
Vanoongorora zvematongerwo enyika vakazvimirira, VaRichard Mahomva, vakaudza musangano uyu kuti nyaya yekuti vanhu vave kuita zvemapato avo ndiyo iri kukanganisa kuti mapato ashande pamwe mukugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika.
Vanoti semuenzaniso, mamwe mapato anopikisa zvese zvinenge zvaitwa nebato riri kutonga kunyange zvakanaka vakapa semuenzaniso State of the Nation, kana kuti SONA yakaparurwa nemutungamiriri wenyika.
Vanoti semaonero avo, SONA yaive yakanaka chose sezvo mutungamiriri wenyika akataura zvinhu zvakanikira vanhu vese munyika zvakaita sekurwisa huwori pamwe nekusimudzira mabasa ekurima.
Asi vanoti izvi zvave kuwonekwa sekuti ndezvebato riri kutonga chete.
VaMahomva vakatiwo kupokana pamapato panyaya yezvirango zvakatemerwa vamwe vatungamira vehurumende kuno ratidzawo kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika.
Vakati chinoshamisa ndechekuti mamwe mapato muno anotsigira zvirango izvi asi nyika dzemuSADC dzichitsigira kuti zvirango izvi zvibviswe.
Asi VaSikhala vakati zvirango izvi hazvina kutemerwa munhu wese uye nyika dzacho dzakatemera Zimbabwe zvirango dzakaita seAmerica neEuropean Union ndidzo dzinobatsira Zimbabwe zvakanyanya munyaya dzedzidzo, hutano, chikafu nekuwanisa vanhu mvura nezvimwe.
Pakave nekubvumirana pavatauri vese kuti vanhu vanofanira kushanda pamwe uye kuita nhaurirano dzinoita kuti nyika ifambire mberi.
Iyi ndiyo hurukuro yekupedzisira yakaitwa neStudio7 neMedia Centre mushure memisangano yakaitwa kuChinhoyi, Masvingo, Gwanda, Lupane uye Bulawayo.
Facebook Forum