Accessibility links

Breaking News

Mutumbi waVaMugabe Unoradzikwa kwaZvimba


Funeral of the late former president Robert Mugabe at Kutama village, Zvimba communal lands, Mashonaland West province.
Funeral of the late former president Robert Mugabe at Kutama village, Zvimba communal lands, Mashonaland West province.

Mutumbi wevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, waradzikwa kumusha kwemufi kwaZvimba mudunhu reMashonaland West.

VaMugabe vakashayikira kuSingapore musi wa Gunyana 6 uko vakanga vaenda kunorapwa.

Mugabe burial ...
Mugabe burial ...

Hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa yakadoma VaMugabe segamba renyika, asi havana kuvigirwa panzvimbo dzinovigirwa magamba enyika, kuNational Heroes Acre muHarare.

Zimbabwe Mugabe Burial
Zimbabwe Mugabe Burial

Kunyange hazvo pakanga pamboita kakuwirirana kuti VaMugabe vavirwe kuHeroes Acre, hazvina kunyatsojeka kuti seyi hurongwa uhu hwakazoshandurwa.

Munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, vakaudza vatori venhau kuti hurumende hapana zvayaikwanisa kuita kunze kwekutambira zvinenge zvchidiwa nemhuri yemufi.

Muzukuru wemufi, VaLeo Mugabe, vaudza vatori venhau kuti mutumbi wemufi hauna kuendeswa kuOne Commando sezvo VaMugabe vachiri vapenyu, vakaudza mhuri yavo kuti vakange vasingadi kuti mutumbi wavo usiiwe wega sezvo vaityira kuti dzimwe nhengo dzemuviri wavo, dzaizobiwa.

Mashoko aya ari kukatyamadza vanhu vakawanda.

Muongorori wezvematongerwo enyika, VaRashweat Mukundu, vanoti kana chiri chokwadi kuti VaMugabe vakaudza hama dzavo mashoko akadai, zvinogona kuva munongedzo wekuti mufi aiziva zvinoitika kumitumbi yevanhu vanenge vamboendeswa kuOne Commando mushure mekutarwa semagamba enyika.

VaMukundu vanoti VaMugabe vaive mutungamiri wenyika kwemakore akawanda, nokudaro vaiziva zvose zvaiitika muhurumende yavo.

VaMugabe vakaita mutungamiri wenyika kwemakore makumi matatu nemanomwe, vakazobviswa pachigaro nemauto muna Mbudzi 2017.

Pakuvigwa kwaVaMugabe pange paine gurukota redunhu reMashonaland West, Amai Mary Mliswa - Chikoka, mutungamiri weNational Constitutional Assembly, VaLovemore Madhuku, hama dzamuchakabvu, VaWalter Chidhakwa, Amai Shuvai Gumbochuma, mudzimai wemufi, Amai Grace Mugabe nevana vavo nevamwe vehukama.

please wait

No media source currently available

0:00 0:09:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG