Mumwe mukuru wekambani yePremier Tobacco Auction Floors, VaPhilemon Mangena, vave panyanga dzamushore nedare reparemende mushure mekuendesa kumatare edzimhosva kwavakaita vamwe vaimbove vashandi vekambani iyi vakapa humbowo kuparamende pamusoro pehuwori hwaitwa mukambani iyi pakutengeswa kwefodya.
VaMangena, avo vari kumiririrwa nemagweta ekambani yeHatinahama and Associates, vanoda kuti vaimvove vashandi vemakambi iyi vana pamwe nemutori wenhau weZimbabwe Broadcasting Corporation, Chamunorwa Murava, uyo akaburitsa nyaya iyi apo yakaitika muparamende mwedzi miriri yapfuura, pamwe neZBC yacho, vavaripe miriyoni yemadhora ekuAmerica vachiti vakasvibisa zita ravo apo vakapa humbowo kukomiti yezvekurima apo vaitaura chikiribidi chaiitwa nekambani yePremier Tobacco pakutenga fodya.
Mumwe wevashandi ava, Amai Lydia Chinyauruka, vaudza komiti yezvekurima kuti vave kusungiswa naVaMangena zvichitevera kumira kwavakaita papmberi pekomiti iyi.
Amai Chinyauruka vati ivo, VaTawanda Murape, VaShepard Kudhinga, VaTendai Mavu naMurava ndivo vari kuendeswa kumatare naVaMangena.
Sachigaro wekomiti iyi, VaJustice Mayor Wadyajena, varatidza kushushikana nekuita kwaVaMangena uye vayambira Amai Chinyauruka nevamwe vavo kuti vasatyityidzirwa naVaMangena nekambani yavo.
VaMangena nemumwe muridzi wePremier Tobacco Auction Floor, VaOwen Murumbi, vachamiswa pamberi pedare iri vachibvunzurudzwa nenyaya yekuzvidza paramende nezvakaitwa naVaMangena.
Vakawanikwa vaine mhosva vanogona kukandwa mujeri neparamende.
VaMangena vane zvikamu makumi maviri kubva muzana zvehupfumi mukambani yePremier, uye VaMurumbi vane zvikamu makumi masere kubva muzana mukambani iyi.
Mune imwewo nyaya mukuru wekambani yeTobacco Sales Floor, Amai Marry Machingaidze, vaudza komiti yaVaWadyajena kuti huwandu nemutengo wefodya iri kutengeswa gore rino huri pasi chose kana zvichienzaniswa negore rapfuura.
Vati semuenzaniso vanokwanisa kutenga zviuru makumi maviri nezvina zvemabhero pazuva, asi mwaka uno vari kutenga mabhero zviuru gumi nezvitatu chete.
Vatiwo mwaka wapfuura mutengo wepakati nepakati wefodya waive $2.79 asi gore rino uri pa$1.85 pakirogiramu.
Amai Machingaidze vatiwo mhando yefodya mwaka uno iri pasi uye vatiwo varimi vanofanira kupihwa rutsigiro rwemari nezvimwe zvikwanisiro kuitira kuti varime fodya yemhando yepamusoro.
TSF ndiyo musika muhombe wefodya munyika yose une zvikamu makumi matanhatu nezvitanhatukubva muzana zvimwe zvikamu zvichitorwa neBoka Tobacco Sales Floor nePremier Tobacco Sales.
Mune imwewo nyaya, paramende iri kuongorora hukama pakati pekambani yeEthical Leaf Tobacco, Premier Leaf Zimbabwe pamwe neTSF.
Ethical Leaf Tobacco ikambani inobatsira varimi nemari, mbeu fotireza nezvimwe ichizoti vatengese fodya yavo kuTSF uko inotorwa nePremier Leaf International inoitengesa kunze kwenyika.
Asi komiti yaVaWadyena inoti hapana kujeka kuti murume waAmai Machingaidze, VaDavid Machigaidze, ndivo mukuru weEthical Leaf Tobacco iyo yave kushanda pamwe chete TSF.
VaWadyajena vatiwo vanoda kuziva kuti kambani yePremier Leaf International, iyo yakadzingwa kuMalawi, yakauya seyi muZimbabwe.
Vakuru vakuru vemakambani maviri aya Ethical Leaf nePremier Leaf vanotarisirwa kumira pamberi pekomiti iyi mumasvondo maviri ari kutevera.
Facebook Forum