Gweta guru renyika, Va Johannes Tomana, avo vakasungwa neMuvhuro manheru, vabvisiswa chiuru chemadhora semari yechibatiso kuitira kuti vatongwe vachibva kumba kwavo.
VaTomana vanziwo vapote vachienda kumapurisa katatu pasvondo, uye kugara pamba pavo kudzamara nyaya yavari kupomerwa yapera kutongwa.
Dare ratiwo VaTomana vanofanirwa kuisa pasipoti yavo yekufambisa kudare.
Izvi zvinotevera kumiswa pamberi pedare neChipiri vachipomerwa mhosva yekushandisa hofisi yavo zvisirizvo.
VaTomana vari kunzi vakaburitsa vasungwa vaviri mujeri kuti vave vafakazi panyaya iri kupomerwa vasungwa ava yekuronga kupidigura hurumende yaVa Robert Mugabe.
Va Tomana, avo vasvika padare vagere kumashure kwemotokari yemapurisa yakavhurika, vanga vakapfeka svutu asi vasina kuiswa cheni mumaoko.
Muchuchisi wenyaya iyi, Va Timothy Makoni, vaudza dare kuti Va Tomana vakonzeresa kuti mumwe wavanoshanda naye muhofisi mavo, Va Michael Mugabe, vanyore gwaro raiudza vanzi vanonzi Va Murombedzi mumapepa asvitswa kudare vanove muchuchisi anomirira nharaunda ye Harare kuti vaburitse vasungwa vanoti Va Solomon Makumbe naVa Silas Pfupa kuti vabuditswe mujeri kuti vagoitwa vafakazi panyaya yekuronga zvekubhomba kupurazi raVa Mugabe rekuMazowe rinonzi Alpha and Omega kunochengetwa mombe dzemukaka.
Asi gweta raVa Tomana, Advocate Thabani Mpofu, vasvitsa chikumbiro chekuti Va Tomana vaburitswe muhusungwa mushure mekubhadhara mari yechibatiso.
Asi muchuchisi wenyaya iyi aramba chikumbiro ichi achiti Va Tomana vanogona kuzovhiringidza kuferefetwa kwenyaya yavari kupomerwa.
Mukuramba chikumbiro ichi, Va Makoni vashevedza mupurisa ari kuferefeta nyaya, Assistant Commisioner Thulani Ncube vanoshandira Bulawayo vachiwona nezvinoitika mudunhu reMatabeland South kuti vazopa huchapupu mudare.
Va Ncube vati Va Tomana havafanire kupihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso sezvo vari munhu anogona kutiza munyika kuti vasamire pamberi pedare pakatariswa mhosva yavari kupomerwa.
Vachibvunzurudzwa negweta raVa Tomana, Va Ncube vabvuma kuti vakasunga VaTomana vasina kuferefeta nyaya iyi zvakakwana servo vachiti vakasunga Va Tomana pamwe chete naVa Michael Mugabe asi Va Michael Mugabe vakazovaregedzwa mushure mekunge vavanyoresa rimwe gwaro rehuchapupu.
Va Ncube vati pane vamwe vanhu vatanhatu vavachiri kuda kutaura navo vanoshanda muhofisi maVa Tomana vavasati vataura nave saka nokudaro zvakakokdzera kuti Va Tomana vagare muhusungwa.
Va Mpofu vati zvataurwa naVaNcube izvi hazvina musoro vachiti kuzvidza hunyanzvi hwedare uye vati Va Tomana havaitombofanirwa kusungwa kubva pekutanga zezvo vaudza dare kuti bumbiro remitemo yenyika rinovapa masimba ekutora matanho avanowona akakodzera.
Vaenderera mberi vachiti kusungwa kwakaitwa Va Tomana nemapurisa kunoratidzawo kupindira kwemapurisa munyaya dzekufambiswa kwebasa nehofisi yaVa Tomana sezvo mapurisa achifanirwa kuudzwa zvekuita nehofisi yaVa Tomana.
Mutongo wenyaya ambomisa kufambiswa kwenyaya iyi kuti anzwisise zvataurwa nemagweta ehurumende pamwe negweta raVaTomana.
Mushure mekuzeya nyaya iyi vari vega, mutongi wedare azobvuma kutambira mashoko egweta raVaTomana ekuti vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso.
VaTomana vapinda munhoroondo kuva muchuchisi mukuru wehurumende wechipiri kusunga ari pabasa achiopemerwa mhosva yekutyora mirawo yebasa ravo.
Muna Mbudzi 2007, vaimbova muchuchisi mukuru wenyika, VaSobusa Gula Ndebele, vakasungwawo vari pabasa vachipomerwawo mhosva yekutyora mitemo.
Zvichakadai, vasungwa vari kupomerwa mhosva yekuda kubhomba papurazi raVa Mugabe ava vamiswa zvakare pamberi paVaChikwekwe vachipomerwa mhosva itsva yekuronga zvekupidigura hurumende yaVaMugabe (treason) vachinzi vakasangana kasingapere pane imwe hotera muHarare vachironga zvekupidigura hurumende.
Vasungwa ava, vanoti Va Owen Kuchata, Va Borman Ngwenya pamwe naVa Makumbe naVa Pfupa vanzi vakaumba bato rezvematongerwo enyika ririkudaidzwa kuti Zimbabwe People's Front rinonzi riri kutungamirwa naVa Kuchata.
Anga ari muchuchisi panyaya iyi, Va Michael Reza, vati vasungwa ava vakaenda ku Mapinga mudunhu reMashonaland West gore rapera kwavakanowana nzvimbo yavaizoda kudzidzisira vanhu zvechigandanga kuti vagobvisa mutungamiri wenyika Va Robert Mugabe zvisiri pamutemo.
Va Reza vati vasungwa ava vanove masoja, vakazoenda zvakare kumusha kwaVa Mugabe kwaZvimba muna Zvita wegore rapera kwavaienda kunoongorora kuti zvinhu zvakamira sei kuti vagowana mabhombero.
Vaenderera mberi vachiti vasungwa vana ava vakazobatwa musi wa22 Ndirai wapera vari papurazi paVa Mugabe vane mabhomba gumi nematanhatu akagadzirwa nefetereza, zvipikiri nepeturu.
Mutongi wedare ati dare rake harina masimba ekunzwa chikumbiro chekuti vasungwa ava vatongwe vachibva kudzimba dzavo saka nokudaro avakumikidza kuti vanosvitsa chikumbiro ichi kudare repamusoro reHigh Court.
Nyaya iyi hanzi ichadzoko kudare musi wa16 Kukadzi.