Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti MDC ibato guru uye harisi kuzomedzwa nemutungamiri weZimbabwe People First, Amai Joice Mujuru.
VaTsvangirai vatiwo hapana kutaurirana kuripo pakati pavo naAmai Mujuru, izvo vanogaronzwa veruzhinji vachitaura.
Vachitaura kekutanga kubva pakanyoreswa Zimbabwe People First svondo rapera, VaTsvangirai vayambira nhengo dzavo kuti dzirambe dzakamira semuzamba vachiti bato ravo harisi kuzotungamirirwa nebato reZimbabwe People First sezviri kufungwa nevakawanda.
Vachitaura neChipiri pamahofisi ebato ravo muChinhoyi, VaTsvangirai vaudza vatsigiri vavo kuti vasaite semhepo inoenda kunoenda mhepo, asi kuti varambe vachitsigira bato ravo kudzamara rave kutonga.
VaTsvangirai vatiwo mashoko ekuti vari kuita nhaurirano naAmai Mujuru manyepo uye bato ravo harisi kuzotungamirirwa nemumwe mutungamiri werimwe bato, kunze kwaivo VaTsvangirai vakasarudzwa nekongiresi kuti vatungamire bato.
VaTsvangirai vati kuisa Amai Mujuru pamberi kana kuita mubatanidzwa nebato ravo zvakafanana nekudzokera kuZanu PF, sezvo Amai Mujuru vari munhu akadzingwa muZanu PF nepamusana pekunetsana kuri mubato iri, asi ivo mukati memoyo wayo vachiri kuda kuramba vari mubato iri.
VaTsvangirai vatorawo mukana uyu kushoropodza zvikuru mashoko emutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaPhelekezela Mphoko, ekuti pane vanhu mubato reZanu PF vari kuti kana mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vabva pachigaro, munhu achatora nzvimbo yavo haafanirwe kunge ari muZezuru sezvo VaMugabe vari muZezuru.
VaTsvangirai vati hakuna chizvarwa chakakosha kudarika chimwe chizvarwa munyika. Vati vanhu vane mafungiro akadaro, imharadzi dzevanhu munyika.
Vachitaura kunhengo dzehutungamiri hwebato ravo muMashonaland West dzanga dzichidarika mazana mashanu, VaTsvangirai vati vanhu vasateerera mashoko aVaMugabe ekuti nyika dzemuAfrica dzibude mumubatanidzwa wenyika dzepasi rose weUnited Nations vachiti mashoko aVaMugabe ndeemunhu anyanya kukwegura.
VaTsvangirai vati vanhu vanofanirwa kudzidza pane zvakaitika apo VaMugabe vakabudisa nyika mumusangano weCommonwealth muna Mbudzi 2003, izvo zvakasiya Zimbabwe isisina madzisahwira ayo akawanda.
VaTsvangirai vari kushanyira matunhu ose emunyika vachisangana nehutungamiri hwevatsigiri vavo vachitaura pamusoro pezviri kuitika mubato pamwe nemunyika.
Musangano wemuChinhoyi wapindwawo nehutungamiri hweMDC-T hunosanganisira mutevedzeri waVaTsvangirai, Muzvare Thokozani Khupe, munyori mukuru mubato iri, VaDouglas Mwonzora, pamwe nemutauriri webato, VaObert Gutu.