Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa zveZimbabwe Zviviri Zvinorohwa Zvikafa muBotswana


Earthquake in Botswana
Earthquake in Botswana

Zvizvarwa zveZimbabwe zviviri zvakafa nemusi weSvondo mushure mekurohwa zvakaipisisa nevamwe varimi vekuBotswana zvichipomerwa mhosva yekuba mbudzi. Zvimwe zviviri zvinonzi zvakaitwa kafiramberi.

Varume vechidiki vakaurayiwa ava vanonzi vakarohwa zvakaipisisa mushure mekuonekwa vari kumatanga emombe nembudzi mumusha weBobonong, uyo uri kumabvazuva kweBotswana.

Vanonzi vakarohwa nevarume gumi, asi vaviri vavo vakaitwa kafiramberi.

Mapurisa emuBotswana anoti vakafa ndiVaThabani Ncube, avo vanga vave nemakore makumi maviri nematatu, pamwe naVaHlengiwe Masostha, avo vanga vave nemakore makumi matatu, uye vose vachibva kuPlumtree.

Mapurisa anoti vaviri ava vakafira panzvimbo yavakaroverwa, uye vamwe vaviri vanonzi vakakwanisa kupunyuka ndokutiza, uye mapurisa haasi kuziva mazita avo.

Mupurisa ari kuferefeta nyaya iyi, VaObert Stone, vati vaviri vakapondwa ava vakawanikwa vari musangano riri pedyo nematanga evagari vepa Gobe mumusha weBobonong ndokubva vasungwa maoko ndokurohwa vachipomerwa mhosva yekuba mbudzi zana negumi neina.

VaStone vati kuzvindikitwa kwakaitwa vaviri ava kwakaita kuti vafire panzvimbo yavairoverwa.

VaStone vati varimi gumi ava vaifanirwa kumhan’gara nyaya yavo kumapurisa kwete kuti vaise mutemo mumaoko avo.

Mitumbi yevaviri ava iri pachipatara cheBobonong, uye vakaponda vanhu ava, vakasungwa vakasungwa nemapurisa. Vari kutarisirwa kumiswa pamberi pematare emajisitireti mudunhu iri.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remuzinda weZimbabwe muBotswana sezvo muzinda wati haukwanisi kutaura pamusoro penyaya iri mumaoko emapurisa.

Studio7 hainawo kukwanisa kuziva kana hama dzevafi ava dzakaziviswa, asi yatora danho rekuburitsa mazita aya, senzira yekuzivisa hama neshamwari dzevafi ava.

Mapurisa anoti pane mombe dzinosvika chiuru chimwe chete nembudzi mazana matanhatu nemakumi manowe, kotiwo madhongi zana zvakabiwa muBotswana gore rapera.

Kunyange hazvo kune umbowo hwekuti zvipfuyo zvevagari venyika iyi zviri kubiwa, nyanzvi munyaya dzemitemo uye vachidzidzisa mutemo paGaborone University College of Law, VaCharles Kungwengwe, vanoti kuurayiwa kwezvizvarwa zveZimbabwe zviviri izvi hakusimbaradze hukama hwenyika mbiri idzi.

Muna 2010, Zimbabwe neBotswana dzakambokandirana makobvu nematete mushure mekusungwa kwevashandi vatatu vebazi remuBotswana rinoona nezvekuchengetedzwa kwemhuka dzesango vapinda kudivi reZimbabwe vasina mvumo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG