Bazi rinoona nezvekusimudzirwa kwehupfumi musangano renyika dzepasi rose, reUnited Nations Economic Commission for Africa, UNECA, rinoti Zimbabwe imwe yenyika dzemuAfrica dziri kutadza kuzadzisa zviga zvebudiriro, kana kuti Sustainable Development Goals.
Vachitaura nevatori venhau muHarare nezuro, mukuru anoona nezvekufambiswa kwemashoko mu UNECA, Muzvare Sandra Nyaira, vakati ongororo yakaitwa nesangano ravo inoratidza kuti nyika dzemuAfrica dzakawanda dziri kutadza kupedza hurombo pamwe nekuita hutano hwakanaka.
MuzvareNyaira vakati sedzimwe nyika dzemuAfrica, Zimbabwe iri kunetsekanawo kuzadzisa zviga zveAgenda 2030.
Mumwe mukuru werimwe sangano rakazvimiririra rinoongorora kuzadzikiswa kwezviga zveSustainable Development Goal, reZimbabwe United Nations Association, VaFisher Chiyanike, vakati Zimbabwe yagona munyaya yedzidzo pamwe nekusimudzira kuenzaniswa kwemikana pakati pevanhukadzi nevanhurume.
Vakafanobata chigaro chegurukota rinoona nezvevashandi nekugara zvakanaka kwevanhu, Doctor Sekai Nzenza, vakataurawo pamusangano wavakaita nevatori venhau neMuvhuro kuti Zimbabwe iri kutatarika kuzadzikisa zviga zveUnited Nations.
Amai Nzenza vakati dambudziko guru riri munyika, idambudzo renzara.
Amai Nzenza vakazivisawo kuti Zimbabwe ndiyo iri kuita musangano wechitanhatu weAfrica Regional Forum on Sustainable Development Goals mwedzi unouya.
Doctor Nzenza vakati musangano uyu uchapa Zimbabwe mukana wekunzwawo kubva kunyanzvi dzinobva kumasangano akasiyana siyana akaita seUnited Nations nemamwewo kuti zviga izvi zvingazadzikiswa sei.
Facebook Forum