Vaimbove vachuchisi vanodarika chiuru nezana vakamboshandira bazi remitemo muAmerica vari kukurudzira kuti muchuchisi mukuru wenyika, Attorney General Willaim Barr, vasiye basa zvichitevera kupindira kwavakaita pakupihwa kwemutongo munyaya yehuori hwakaitwa naVaRoger Stone, vanove shamwari yemutungamiri wenyika, VaDonald Trump.
Nyanzvi munyaya dzemitemo idzi dziri kuti Va Barr vakakanganisa zvikuru apo vakapindira mukuderedza mutongo uri kufanirwa kupihwa VaStone nemusi weChina.
Vachuchisi vana mubazi rezvemitemo vakanga vakurudzira kuti Va Stone vatongerwe kugara mujeri kwemakore mapfumbamwe, apo vachamiswa mudare nemusi we China.
Asi Va Barr nevamwe vakuru vakuru mubazi ravo vakati mutongo uri kuda kupihwa Va Stone wainge wakanyanyisa.
VaStone vakawanikwa muna Mbudzi gore rapera vaine mhosva pamhosva nomwe dzavaipomerwa, idzo dzinosanganisira kunyepa pamberi pedare re Congress pamwe nekuvhiringidza humbowo pakuferefetwa kwenyaya inobata sarudzo yemutungamiri wenyika muna 2016.
Vachuchisi ava, avo vakashanda muhurumende dzose pasi pebato reRepublican Party nere Democratic Party, vanoti zvakaitwa naVaBarr zvinoratidza kuti vari kuitira dzvene kuna VaTrump
Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika, uye vachidzidzisa pa Malone University ku Ohio, Professor Moses Rumano, vanoti zvakaitwa naVaBarr zvinhu zvisingatambirwe munyika ine hutongo hwejechetere.
VaRumano vanoti VaBarr vanofanirwa kusiya basa nekuti vari kuratidza kuti vanotora mativi panyaya dzinenge dzichibatwa nebazi ravo.
Facebook Forum