Accessibility links

Breaking News

VaBhebhe neVamwe Vavo Vanoda Kuti VaMugabe neZEC Vatare Zuva re Sarudzo


Vaimbova nhengo dzedare reparamende muMDC inotungamirwa naVaArthur Mutambara, Va Abednico Bhebhe, Va Njabuliso Mguni, pamwe naVa Norman Mpofu, vakwidza nyaya yavo kudare reHigh Court vachiti panofanirwa kuitwa sarudzo dzema by elections munzvimbo dzavaimbomirira.

Vatatu ava vakadzingwa mubato ravo nemhosva yekusaremekedza hutungamiri hwaVa Mutambara, nzvimbo dzavo ndokusara dzisina anomirira.

Mumagwaro avo avakaendesa kuBulawayo High Court svondo rino, vatatu ava vanoti hurumende iri kutyora mutemo nekusaita sarudzo idzi.

Mutemo unoti kana nzvimbo ikarasikirwa nemumiriri wayo, panofanirwa kuitwa sarudzo kusati kwadarika mwedzi mitatu.

Asi panyaya yaVaBhebhe nevamwe vavo, kwapfuura gore sarudzo idzi dzisati dzaitwa. Vatatu ava vanoti vanoda kuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe chete neZimbabwe Electoral Commission, vatare zuva rekuita sarudzo idzi nekukurumidza.

Munyika yese mune nzvimbo gumi nesere dzisina vamiriri mudare neparamende pari zvino.

Nyanzvi munyaya dzezve matongero enyika, uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe, VaJohn Makumbe, vanoti sarudzo idzi dzinofanirwa kuitwa, zvisineyi kuti hazvina kumira zvakanaka munyika.

XS
SM
MD
LG