Accessibility links

Breaking News

Kimberly Process Yoenderera Mberi paNyaya yeMangoda ekwaMarange


VaChikane vakadzoka kuZimbabwe kechipiri kunoita ongororo yavo pamangoda ekwa Marange.

Nhumwa yeKimberly Process kuZimbabwe, VaAbbey Chikane, vakasangana neChipiri nevanomiririra masangano akazvimirira oga kwaMutare vachikurukura pamusoro pemamiriro akaita zvinhu kuminda yemangoda kwaMarange.

VaChikane vakadzoka kuZimbabwe kechipiri kunoita ongororo yavo pamangoda ekwaMarange. Va Chikane vachaendawo ku Manica Province ku Mozambique kunoona kuti ichokwadi here kuti mangoda emuZimbabwe ari kutengeswa zvisiri pamutemo munzvimbo iyi. VaChikane vachasangana neChina mangwanani nekomiti yeparamende inoona nezvezvicherwa, pamwe negurukota remigodhi, Va Obert Mpofu. Zvinonzi VaMpofu vabvuma kupa mvumo komiti yeparamende kuti ipinde kuminda yemangoda kwaMarange, izvo vange vachiramba kuita kwenguva yakareba.

Ukuwo Kimberly Process yaisa nyaya pa website yayo ichikurudzira vanotenga mangoda pasi rose kuti vasatenga mangoda anobva ku Zimbabwe nekuti haasati ava kubvumidzwa kutengeswa.

Nyaya yeZimbabwe iri kutarisirwa kuzeyiwa zvikuru kumusangano mukuru we KP mwedzi unouya kuIsrael. Masangano akazvimirira ega ari kuda kuti Zimbabwe imbomiswa kuva nhengo ye KP, asi dzimwe nyika dzakaita se South Africa ne Namibia dziri kuramba.

Mumwe weavo vakasangana naVa Chikane, ndaVa Farai Maguwu, mukuru weCentre for Research and Development, sangano rine husahwira neKP. VaMaguwu vanoti vakaudza Va Chikane zvese zvavakawanawo mutsvagiridzo yavo pamusoro pekucherwa nekutengeswa zvisiri pamutemo kwemangoda kwaMarange.

XS
SM
MD
LG