Accessibility links

Breaking News

Va Mugabe Vanoti Zimbabwe Haidi Rubatsiro Kubva Kunyika dzekuMadokero


Mutungamiriri wenyika, Va Robert Mugabe, neChina vakati Zimbabwe haidi mari yerubatsiro inobva kunyika dzekumavirira kuitira kuti imutsiridze hupfumi hwayo.

Bepanhau reHerald rinoburitsa VaMugabe vachiti Zimbabwe ichamuka yega kuburikidza nezviwanikwa zvayo pamwe nenjere yevanhu vayo kwete nerubatsiro rwenyika dzakaita seAmerica neBritain.

VaMugabe vanoshoropodzazve nyika dzekumavirira vachiti ndidzo dziri kumbunyikidza Kimberly Process kuti isapa Zimbabwe mvumo yekutengesa mangoda ayo anogona kubatsira kumutsiridza hupfumi hwenyika.

Kimberly Process haisati yapa Zimbabwe mvumo yekutengesa mangoda ekwaChiadzwa, ayo akonzeresa mutauro mukuru pasi rose.

Hurumende yakasunga mutungamiri weCentre for Research and Development, VaFarai Maguwu, ichivapomera mhosva dzekuburitsa manyepo pamusoro pezviri kuitika pamangoda ekwaMarange.

Kimberly Process iri kuita mumwe musangano wayo svondo rinouya kuSt Petersburg ku Russia, apo nyaya yemangoda eZimbabwe ichakurukurwa.

Va Godfrey Kanyenze inyanzvi munyaya dzehupfumi, uye vari mutungamiri we Labour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe. Va Kanyenze vanoti Zimbabwe ikatevedzera zviri kutaurwa naVa Mugabe hakuna kwazvinosvitsa nyika.

XS
SM
MD
LG