Accessibility links

Breaking News

VaBiden Voonekana neAmerica Vachiti Ingwarire Shoroma Dziri Kuda Masimba Akawanda


VaJoe Biden
VaJoe Biden

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden nezuro vakatura mashoko avo ekupedzisira vari muhofisi yeOval Office kuWhite House. VaBiden vatungamira nyika kwemakore mana uye vari kusiya basa zviri pamutemo nemusi weMuvhuro apo pachagadzwa VaDonald Trumpo kuti vatore chigaro chekutungamirawo.

Mumashoko avo VaBiden vakati vanhu vanofanira kungwarira nyaya yekuti masimba ave mumaoko eshoroma chete.
VaBiden vave kusiya basa vakataura mashoko avo ekuoneka neAmaeica vachisiya vapa yambiro.

Vati, “Pane njodzi yekuti masimba ave mumaoko eshoroma shoma shoma. Pane njodzizve vakave nemasimba akawandisa pasina anovatsiura. Ikozvino tiri kuona shoroma dzine mari yakawanda dzichitora masimba muAmerica zvinova zvinogona kukanganisa nyaya yehutongo hwejekerere uye kodzero dzevanhu.”


VaBiden havana kubuda pachena kuti vaitaura ani apa. Asi dzimwe shoroma muAmerica dzakaita saElon Musk dzave bande nebhurukwa naVaTrump. Kumnyangwe vasina kuvadoma nezita, VaBiden vakataura sevaishora mukuru weMeta VaMark Zuckerberg varidzi vemadandemutande eFacebook neInstagram vati havachabvise nyaya dzemanyepo dzinenge dzanyorwa.

Vati, “Hakuchisina kodzero yevatori venhau yekuita basa vakasungunuka. Hakuchisina vapepeti venhau. Madandemutande haachakoshese kuburitswa kwechokwadi. Chokwadi chave kumbunyikidzwa kuitira kuti vane mari nemasimba varambe vachibudirira.”


VaBiden vari kusiyawo basa vakwanisa kuunza runyararo pakati peIsrael nechikwata cheHamas muGaza. Asi chibvumirano ichi chichazadzikiswa nehurumende yaVaTrump. Vati, “Ndosaka ndakaudza chikwata change kuti ibva magara manyatsosuma hurumende itsva iri kuuya kuti tishande tose kuitira nyika yedu.”


Mutsamba yakaburitswawo nezuro, VaBiden vanoti vakatanga basa munguva yakaoma apo chirwere cheCovid 19 chaipararira zvakanyanya uyewo pasina kugadzikana nekuda kwevamwe vatsigiri vaVaDonald Trump vairatidzira vachiramba kutambira zvainge zvabuda musarudzo yemutungamiri wenyika yemuna 2020.

VaBiden vakakunda VaTrump musarudzo iyi. VaBiden vari kusiya basa mushure mekutungamira makore maba chete asi vasina rutsigiro rwakanyanya kubva kuvanhu sezo vanhu zvikamu makumi matatu nemapfumbamwe chete kubva muzana kana kuti 39% vachivatsigira.


Nyazvi yezvematongerwo enyika ichiongorora nhoroondo yevatungamiri venyika paVanderbilt University VaThomas Schwartz vanoti VaBiden vacharangarirwa zvichienderana nekuti VaTrump vari kutungamira sei.

VaThomas Schwartz vati, “VaTrump vakatungamira vachiita zviri kutaurwa naVaBiden nemaDemocrats zvekukanganisa hutongo hwejekerere, VaBiden vachaonekwa semuporofita chaiye. Asi ndinofunga hangu kuti VaTrump havazoite zviri kutaurwa izvi zvinopa kuti VaBiden vazorangarirwe nemabasa avo.”
Asi zvakakwanisa kuitwa naVaBiden vari muhofisi zvinosanganisira kugadzirisa hupfumi uho hwange hwananga kumawere.


VaBiden vakayedzawo kupedza hondo dzeAmerica asi vanoshorwa zvakanyanya nekuburitsa kwavakaita mauto muAfghanistan zvainzi zvainge zvisina kunyatsorongeka. VaBiden vakapeta nekutenda vanhu nekuvapa mukana wekutungamira.

Mutungamiri wenyika ati, “Ndinotenda mune zvinomirirwa nenyika ino. Nyika yekuti matare, mapazi ezvemitemo anoramba achiita zvaanosungirwa kuita mubumbiro remitemo. Yave nguva yenyu kugara makarindira.”


Nyaya iyi yatumirwa nemutori wenhau Patsy Widakuswara, VOA News, ari ku White House mukaiverengerwa naMarvellous Mhlanga Nyahuye VOA Zimbabwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG