Public Accounts Committee is worried by Sakunda Holdings’s failure to testify during Parliament’s enquiry into more than US$5 billion unauthorized expenditure in 2017 and 2018.
MC - Komiti yeparamende inoongorora mashandisirwe emari yehurumende, yePublic Accounts Committee, nhasi yashora kuita kwekambani yeSakunda Holdings nekutadza kumira pamberi payo kuti ipindure mibvunzo pamusoro pekunonzi kusashandiswa zvisina mvumo kwemabhiriyoni mashanu emadhora muna 2017 and 2018 emari yeCommand Agriculture.
Kambani yeSakunda Holding yakabhadharwa mari inodarika bhiriyoni remadhora pamakore maviri aya uye nhasi yange ichifanira kupa humbowo kukomiti yePublic Accounts iyo inotungamirirwa naVaTendai Biti kuti yakabhadharwa sei uye kuti mari iyi yakashandei.
Asi vanoona nezvekufambiswa kwebasa mukambani yeSakunda VaMberikwazvo Chitambo, vanyora tsamba kukomiti iyi vachiti, mukuru wekambani yavo anove zvekare chimwe chipangamazano chemutungamiri wenyika VaEmmerson Mngangagwa, VaKudakwashe Tagwirei, vanoda kuzopa humbowo pachavo asi vange vasingakwanise kuuya sezvo vange vari kunze kwenyika.
VaChitambo vakumbira komiti iyi kuti inyore mubvunzo yainoda kubvunza VaTagwirei vachiti izvi zvichaita kuti pavanouya kuzosangana nekomiti iyi vasatore nguya yakareba.
Asi VaBiti nekomiti yavo vashora kuita kwaVaChitambo, VaTagwirei nekambani yavo yeSakunda vachiti zvavaita izvi kusvora nekuzvidza paramende.
VaBiti vanoti kana Sakunda iri kambani yemandorokwati inofanira kupa hombowo hunodiwa neparamende zvisinei nekuti VaTagwirei varipo here kana kuti kwete.
Vati vave kutarisira kuti Sakunda iuye kuparamende kuzopa humbowo nemusi weChishanu zvisinei nekuti VaTagwirei varipo here kana kuti kwete.
Mukuru wesangano reZimbabwe Democracy Institute, Doctor Pedzisayi Ruhanya, vaudza Studio 7 kuti VaTagwirei vanozvidza paramende nekuti vanoshanda nevakuru vakuru muhurumende.
Vaenderera mberi vachiti komiti yaVaBiti inofanira kuburitsa pachena huwori hwese hunonzi huri kuitwa kuti vanhu vazvionere kuti hurumende haisi kurwisa huwori sekutaura kwainogara ichiita.
Vanoongorora nyaya dzehupfumi vakazvimirira, VaMasimba Manyanya, vaudza Studio 7 kuti hapana chinoshamisa pane zvinonzi zviri kuitwa naVaTagwirei vachiti ndosaka hupfumi hwenyika hwapara.
Hatina kukwanisa kubata VaTagwirei parunhare kuti tinzwe divi ravo pane zvavari kupomerwa izvi.
VaBiti vazivisawo kuti nemusi weChishanu vachanzwawo kubva kumunyori webazi rezvemari,VaGeorge Guvamatanga, nevamwe vakuru vakuru mubazi iri.
Zvichakadai VaBiti nekomiti yavo vazivisa kuti kambani yeFert, Seed Grain kana kuti FSG yave kuzopawo humbowo kukomiti yavo musi wa22 Mwedzi mushure mekunge komiti yatora danho rekuti kambani iyi isungwe nenyaya yekuzvidza paramende.
FSG yakabhadharwa mari inodarika mazana matanhatu emamiriyoni emadhorwa muna 2017 na 2019 pasina mvumo yeparamende sezvinotarisirwa pamutemo pakushandiswa kwemari dzehurumerumende.
Mamwe makambani achapa humbowo musi uyu anosanganisira, Pedstock neCroco Motors.
Komiti iyi ichapedza ongororo yavo nekubvunzurudza kambani yeGrain Marketing Board musi wa25 mwedzi uno.
Kwemwedzi mitatu yapfuura, komiti iyi iri kuongorora makambani akawanda zvichetevera gwaro rakaburitswa nemahofisi aAuditor General rinoratidza kuti mari inodarika mabhiriyoni mashanu emadhora yakashandiswa pasina mvumo yeparamende muna 2017 na2018.
Komiti yakatobvunzurudza Reserve Bank of Zimbabwe, bazi rezvekurima nemamwe makambani akabhadharwa mari idzi nehurumende.
Mari yese iyi yakashandiswa pazvirongwa zveCommand Agriculture nePresidential Input Scheme. Asi vachitaura nebepanhau reHerald, VaGuvamatanga vakati hurumende yainge yapa homwe yecommand agriculture mari inosvika bhiriyoni imwe chete chete kubva muna 2016.
Vakara,ba kuti Sakunda yakapihwa mabhiriyoni matatu. Asi izvi handizvo zviri kubuda mukomiti yaVaBiti inoti mari dzakashandiswa dzakawanda uye pane mhute panyaya yekuti mari iyi yakashandiswa sei.
Facebook Forum