Nhengo dzedare reparamende renyika dziri mu European Union, EU, dzinoti sangano radzo harifanirwe kutambira munhu akadomwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kuti amirire Zimbabwe ku EU.
Nhengo idzi dzinokurudzira EU kuti asatambira Amai Margaret Muchada semumiriri weZimbabwe kunyika idzi.
Izvi zvinotevera tsamba yakanyorwa nemutungamiriri wehurumende, Va Morgan Tsvangirai, vachizivisa sangano iri kuti vamiriri vari kudomwa naVaMugabe, vakadomwa zvisiri pamurawu.
Va Geoffrey Van Orden inhengo yedare iri, uye vachimirira Britain. Va Van Orden vanoti mutungamiri we European Commission , VaJosé Manuel Barroso, pamwe nemutungamiri we European Council, Va Herman Van Rompuy, havafaniri kutambira Amai Muchada semumiriri we Zimbabwe ku EU.
Gweta rinoshanda riri muLondon kuBritain, Va Julius Mutyambizi-Dewa, vanoti zvaitwa nenhengo dzedare iri zvakakosha nekuti zvinoratidza pasi rose kuti zviri kuitwa naVaMugabe hazvina kunaka.
VaDewa vanoti VaMugabe ngavasiyane nepfungwa yehumbimbindoga, votaurirana nevamwe vavo vasati vadomwa nhumwa idzi nezvimwe muhurumende yemubatanidzwa.