Vakarema mudunhu reMasvingo vari kuchema chema kuti chirongwa chekunyoreswa kuvhota chiri kuitwa neZimabwe Election Commission hachisi kunyatsvovika kwavari, sezvo vari kutadza kusvika munzvimbo dziri kunyoresa nekuda kwematambudziko akasiyana siyana anoenderana nekuremara kwavo,
Masangano anomirira kodzero dzevakaremara ataura neStudio 7 anoti kodzero dzavo dziri kutyorwa sezvo vazhinji vavo vari kutadza kunyoresa kuvhota nekuda kwezvimhingamupinyi zvakawanda.
Vemasangano ayo vanoti dzimwe nzvimbo dziri kunyoreswa hadzisvikiki nevanhu vanofamba nemawheelchair kana madondoro sezvo zvimwe zvikoro
zviri kushandiswa neZEC, zvisina zvivakwa zvekuti vashandise kana vasvika.
Sachigaro wesangano reZimbabwe Disability Advocacy Empowerment and Rehabilitation Technology, (ZIDAET), Pastor Cover Mugwadi, vanoti kunyange ZEC iri kupinda mumaruwa haisi kusvika munzvimbo dzine vanhu
vakaremara.
Izvi zvatsinhirwa nemukuru webasa musangano reDisability Amalgamated Community Trust (DACT), VaHenry Chivhanga, vati mashoko ekushambadza chirongwa ichi haasi kusvika kune vakaremara zvekuti vamwe havatozivi kuti kune chirongwa chakadai.
Vemasangano aya vanoti mamwe matambudziko anosanganisira kushaikwa kwezvitupa muvanhu vakaremara avo vasingakwanisi kufamba nzendo
refu kuenda kwana mudzviti zvovotadzisa kunyoresa kuvhota.
Pastor Mugwadi vati varikushushikana nenyaya yekushaya zvitupa zvakanyanya.
Mukuru webasa musangano rinomiria kodzero dzevanhu musarudzo, reElection Resource Centre(ERC), VaSolomon Bobosibunu, vati vakaremara vanofanira kupuwa kodzero dzavo dzekunyoresa kuvhota pachiromgwa chiri kuitwa neZEC.
Mukuru webasa musangano reZEC muMasvingo, VaZEX Pudurai, vati vari kuzama chose kupinda pose pane vanhu vakaremara kuti vanyorese kuvhota.
Sangano reZEC rakaparura richirongwa chekupinda muvanhu kuti vakwanise kunyoresa kuvhota musi wa 1 Kurume uye chichapera musi wa 28 mwedzi uno.
Facebook Forum