Vamwe vanhu vakaremara vari kunyunyuta pamusoro pezvivakwa zvemuguta reHarare nemamwe madhorobha izvo vasingakwanisi kushandisa zvinova zvinotyora kodzero dzavo.
Baba Tanyaradzwa Matongo avo vane cerebral palsy mugari wemuSunningdale muHarare. Vanoti havasi kufadzwa nemamiriro ezvivakwa muguta reHarare izvo zvisati zvagadziriswa kubva nyika ichiwana kuzvitonga kuzere muna 1980.
Mudzimu wakupa chironda wati nhunzi dzikudye. Nzvimbo zhinji dzekugezera kana kuzvibatsira hadzina pekuti ndibatirire. Uye dzimwe hadzina pekugarira kana ndichizvibatsira zvinova zvinofanira kucherechedzwa.
Mai Lucia Mambure vanotungamirira sangano reChengaose revabereki vane vana vane cerebral palsy kuEpworth vanoti mitemo yekanzuru yezvivakwa inofanira kuvandudzwa kuitira kuti vakaremara vakwanise kushandisa zvivakwa zvepamba zvakatambanuka.
Kana uchifungidzira kuti hauna munhu ane hurema pamba ngatirangarirei kuti tese tiri kukura kana kuti unogona kungorwara. Ukasangana netsaona inoita kuti uve nehurema uchada kupinda mumba mako. Unozoparadza mari wakupwanya mukova kuitira kuti wheelchair nezvimwe zvikwanisiro zvevakaremara zvifambe zvakatambanuka.
Muzvinafundo Tafara Marazi avo vasingaone vanodzidzisa pa University of Zimbabwe vanotiwo nyika ino yasarira shure zvakanyanya zvichienzaniswa nenyika dzakaita seSouth Africa uko vakaita zvidzidzo zvavo.
Ma lifts avo ese anotaura. Asi ndadzoka kumusha pane lift imwechete inotaura. Pama robots hapana kana rimwe rinotaura. Unongomira onzwa kuti vanhu vakudarika iwe wotevera.
VaMarazi vanoti vakaremara vanofanira kurwira kodzero dzavo vakabatana kuitira kuti dambudziko rezvivakwa rigadzirike.
Dambudziko riripo ihwenyakwese mukombe une buri. Rinobatana nevemakanzuru nevekuparamende asi nesu vakaremara tinoda kuti zvinhu zviitwe isu takavata.
Meya veguta reHarare VaJacob Mafume vanoti vari mushishi rekuita kuti dambudziko rezvivakwa rigadziriswe kutanga gore rinouya.
Tinoda guta rinotaura nemunhu, rinoziva kuti wofamba here kana kuti womira. Tichange tick2hitaura nenyanzvi dzedu kuti dzitore zvikwanisiro zvatekeshera kunyika dzakasiyana siyana, kusanganisira neku China tichigadzira kuti hupenyu hwevanhu hunge hwakanaka.
vanoti mitemo yakanangana nemavakirwo edzimba pamwe nezvivakwa zvinoshandiswa neveruzhinji iri kuvandudzwa kuitira kuti vakaremara varerukirwe.
Mabuilding ari kuvakwa achange ane ma ramp, ekare tichataura nenyanzvi dzedu kuti dzigadzirise zvivakwa, zvikwanise kushandiswa nevakaremara.
Bumbiro remitemo renyika pamwe nemutemo unobata nyika dzepasi rese weConvention on the Rights of People with Disabilities anotaura kuti ikodzero yevakaremara kuti vagare vakatambanuka mudzimba nekushandisa nyore zvivakwa munharaunda mavagere.
Munyika dzakabudirira dzakaita seAmerica, mutemo weAmericans with Disabilities Act unosungira vemabhizimisi nenzvimbo dzinoenda veruzhinji kuti avake zvivakwa zvinokwanisa kusshandiswa nyore nevakaremara.
Facebook Forum