Accessibility links

Breaking News

Vakawanda kuMasvingo Vofara neGoho Asi Vachichema Chema neKudhura Kwoita Zvinhu


Vamwe vagari vekumaruwa mudunhu reMasvingo, vanoti kunyangwe vakawana goho rakanaka mwaka uno rakawedzera chikafu mumatura avo, vachiri kunetsekana nekutenga zvimwe zvinodiwa mudzimba kuti vakwanise kurarama zvakanaka, sezvo mitengo yezvinhu iri kuramba ichingokwira muzvitoro.

Vachitaura neStudio 7, vamwe vagari vekumaruwa ava vanoti vakakohwa chibage, mapfunde rukweza nemhunga zvakawanda kupfuura mwaka yakapera izvo zvichaita kuti nzara ipere .

Asi vamwe vakaita saVaHenry Makusha mugari wekuZero Farm vanoti vari kunetsekana nekudhura kwezvinhu kunyangwe goho ravo riri nani.

Vatsigirwawo nemugari weku Nemamwa, Amai Auxilia Moyo avo vanoti kunze kwezvikafu mhuri inodawo zvimwe zvakakosha muhupenyu.

Mambo Serima, VaVengayi Rushwaya, vanoti dambudziko rechikafu gore rino ishoma sezvo vazhinji vakawana goho rakawanda uye vamwe vachitosara nezve kutengesa.

Vagari vanoti marita maviri ebhotoro remafuta ekubikisa muzvitoro raiita madhora maviri nemakumi masere kutanga kwegore rave kuita madhora matatu nemakumi mashanu.

Zvimwe zvakaita semafuta ekuzora, sipo, nyama pamwe ematemba zvinodiwa zvakakwirawo nezvikamu zvisere kubva muzana mwedzi wapfuura.

Vanoona nezvekufambisa kwemabasa muhofisi yesangano rinomirira kodzero dzevatengi, reConsumer Council of Zimbabwe(CCZ) muMasvingo, VaDumisani Mungusthini, vanoti kukwira kwemitengo muzvitoro kuri kushungurudza vatengi munyika.

Studio 7, yatadza kubata gurukota rezve maindastiri nekutengeserana munyika, Amai Sekai Nzenza, avo vange vasingadairi nhare yavo kana kupindura tsambambozha dzatumirwa.

Asi vachitaura nevatori venhau munguva pfupi yapfuura, Amai Nzenza,vakati hurumende iri kuita ongororo yekuti ione kuti chii chiri kukwidza mitengo yezvinhu muzvitoro, apo hupfumi hwenyika hwakagadzikana.

Asi vakaudzawo Studio 7 mune imwe hurukuro kuti vari kufara negoho regore rino.

Sangano reZimstart, rakabudisa mashoko ekuti mari inodiwa pakurarama pamhuri yevanhu vashanu yakakwira pakupera kwemwedzi wapfuura, kubva pazviuru makumi maviri nemana kusvika pazviuru makumi maviri nezvitanhatu zvakaraudzira.

Nyaya Ina Godfree Mtimba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG