Accessibility links

Breaking News

Vakuru Vakuru muBazi rezveHutano Votungamira Kubayiwa Nhomba muBulawayo


Chirongwa chekubaiwa nhomba inodzivirira chirwere cheCovid-19 kwevakoti, vanachiremba nevamwe vanoshanda muzvipatara chakatanga munzvimbo dzakasiyana-siyana munyika kusanganisira muBulawayo nemusi weMuvhuro.

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga ndivo vakaparura chirongwa ichi nemusi weChina muHarare.

Mudunhu vanhu vakabayiwa nhomba pazvipatara zvakaita seUnited Bulawayo Hospitals, kana kuti UBH, Mpilo, Ingutsheni uye neMater Dei.

Mukuru weHealth Services Board Dr Paulinus Sikhosana ndivo vakatanga kubaiwa vachiteverwa nevakafanobata chinzvimbo chemukuru weUBH Dr Narcissus Dzvanga pamwe nevakafanobata chinzvimbo chaProvincial Medical Director wedunhu reBulawayo Dr Welcome Mlilo.

Gurukota redunhu reBulawayo Amai Judith Ncube vange varipowo pachiitiko ichi semunyarikani.

Dr Dzvanga vakaudza Studio 7 kuti chipatara chavo cheUBH chakapiwa nhomba dzinosvika chiuru nemazana manomwe idzo vati dzinokwana kubaya vashandi vose vari pachipatara ichi. Vakakurudzira vashandi vezvehutano pamwe neveruzhinji kuti vabaiwe nhambo iyi.

VaElijah Maouranga avo vanoshanda vachibatsira vakoti paIngutsheni Hospital ndemumwe wevashandi vepachipatara ichi vatanga kubaiwa nhomba iyi.

VaMapuranga vaudza Studio 7 kuti vanoona zvakakosha kuti ivo semunhu anoshanda mune zvehutano vabaiwe nhomba iyi, uye vakurudzirawo veruzhinji kuti vasatye kubaiwa.

Vakafanobata chinzvimbo chemutauriri weMpilo Hospital Sister Sanelisiwe Nyamandi, vati kunyange havo ivo vange vasati vabaiwa vanotambira kuvepo kwenhomba yeCovid-19 sechinhu chakakosha zvikuru pakudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

Pane zvikwata zvina zvine vanhu vashanu zviri kubaya vanhu nhomba mudunhu reBulawayo uye zvikwata zviviri zvichange zviri paUBH nepaMpilo kozotiwo zvimwe zviviri zvichange zvichifamba munzvimbo dzakasiyana-siyana kusanganisira makiriniki ekanzuru zvichibaya vanhu.


Chikamu chekutanga ichi chinotarisirwa kupera mukati memazuva gumi, uye vanenge vabaiwa vanozobaiwazve mushure memazuva makumi maviri nemasere.

Dunhu reBulawayo rakawana nhomba zviuru gumi nezvitatu nemazana maviri uye Dr Mlilo vati tarisiro yavo ndeyekuti pane vashandi vanopfuura zviuru zvitanhatu vachabaiwa nhomba iyi mudunhu iri.

Kuparurwa kwechirongwa chekubaya vanhu nhomba munzvimbo dzakasiyana-siyana kunouya mushure mekunge nyika yapihwa pachena nhomba zviuru mazana maviri kubva kunyika yeChina.

Mutauriri webazi rezvehutano VaDonald Mujiri vabvuma parunhare kuti chirongwa ichi chatanga munzvimbo dzakasiyana-siyana munyika asi vati vange vasingakwanise kutaura kuti vanhu vangani vabaiwa pazuva ranhasi sezvo vange vastai vave neruzivo urwu.

Nyaya Ina Kudzanai Musengi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG