Accessibility links

Breaking News

Vakuru veMbada Vanomira Pamberi pe Komiti yeParamende Vachibvunzurudzwa


Vakuru vemakambani aya vanga vava nenguwa vachiramba kumira pamberi pekomiti iyi kasi vanga vachasunga nemutemo kudai vasina kuenda kudare nhasi. Komiti iri kuwongorora nyaya yemangoda ekwaMarange, kuda kutengesa kweMbada mangoda anosvika 300,000 muna Ndira zvisiri pamutemo nezvimwe zvakadaro.

Makambani ari kuchera mangoda kwaMarange, eMbada Diamonds ne Canadile Miners, amiswa pamberi pekomiti yeparamende achibvunzurudzwa nezvemashandiro awo kwaMarange.

Vakuru vemakambani aya vanga vava nenguwa vachiramba kumira pamberi pekomiti iyi vachiti vakanzi nebazi rezvemigodhi, vasamire pamberi pekomiti iyi sezvo nyaya yemangoda ekwaMarange iri mumatare edzimhosva.

Mukuru weMbada Diamonds, VaRichard Mhlanga, vati havana kuda kutengesa mangoda hurumende isingazive muna Ndira. Vati mashoko avakataura ndeekuti kambani yavo yakange yakagadzirira kutengesa mangoda chero nguva.

Vashora vatori venhau vachiti ndivo vakaburitsa nyaya dzinenge dzinoratidza kuti kambani yavo yakanga ichida kutengesa mangoda zviri kunze kwemirawu yeKimberly Process.

Sachigaro wekomiti iyi, VaChindori Chininga, vayambira VaMhlanga kuti vataure chokwadi sezvo komiti yavo ichikwanisa kuburitsa mashoko chaiwo akataurwa naVaMhlanga. VaChininga vati imhosva kureva nhema kukomiti yeparamende.

Va Moses Mare inhengo yekomiti yeparamende inoona nezvemigodhi. VaMare vati komiti yavo ichange ichienda kwaMarange kunozvionera kuti zvinhu zviri kufamba sei.

XS
SM
MD
LG