Accessibility links

Breaking News

VaMangudya Vomisa Vashandi veRBZ Basa neNyaya yaVaLumumba yeKuti Vari Kuita zveHuori


VaAcie Lumumba
VaAcie Lumumba

Gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe Doctor Muthuli Ncube vakaburitsa mashoko kuvatori venhau nemusi weMuvhuro vachiti vambomisa basa vashandi vana vekubhanga iri vari kupomerwa mhosva yekuita zvehuori.

Izvi zvinotevera mashoko evanozviti vachangopihwa basa rekutaura vakamirira bazi rezvemari VaAcie Lumumba paFacebook yavo ekuti vana ava vari kuita zvehuori nekutengesa mari pamukoto.

Asi mashoko ekuti VaLumumba vakapihwa basa iri kurambwa nebazi rinoona nezvekuburitswa kwemashoko rinoti VaLumumba havana kumbobvira vapihwa basa rekutaura vakamirira VaNcube vachiti vanotaura chete kuburikidza nebazi ravo.

VaLumumba vakataura mashoko aya nezuro vachiti vaitaura vakazvimiririra kwete kumiririra bazi rezvemari. Vamiswa basa ava vanosanganisa VaMirirai Chiremba, VaNorman Mataruka, VaGresham Muradzikwa uye VaAzvinandawa Saburi.

VaMangudya vati vari kuda kuferefeta nyaya iyi. Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Muzvinafundo Gift Mugano vanoti VaMthuli vanofanira kuumba chikwata chavanachipangamazano munyaya dzezvehupfumi kwete VaLumumba.

Hurukurona naMuzvinafundo Gift Mugano
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG