Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vanoti hurumende yavo iri mubishi kuvaka maraibhurari nekuisa makombiuta muzvikoro zvose zveveruzhinji kubva kune zvepasi kusvika zvekumusoro senzira yekupa vana ramangwana rakajeka.
VaMnangagwa vakataura mashoko aya neMugovera manheru pagungano rekucherechedza zuva revechidiki reWorld Children’s Day uye makore makumi manomwe nemashanu esangano reUnited Nations Children Fund kana kuti UNICEF kubva parakaumbwa muguta reKasane muBotswana.
Zuva iri rakapembererwa muBotswana mushure mekunge mutungamiri wenyika iyi, VaMokgweetsi Masisi, avo vakadomwa neUNICEF semumwe wevatungamiri vachabatsira kutsvagira rubatsiro vana bhiriyoni imwe chete nemamiriyoni zviuru mazana masere kana kuti 1, 8 billion pasi rose vakokoka VaMnangagwa, VaHakainde Hichilema vekuZambia pamwe chete naVaHage Geingob vekuNamibia.
Vamwe vatungamiri vari mugungano reGeneration Unlimited vanosanganisira VaUhuru Kenyatta vekuKenya, VaPaul Kagame vekuRwanda uye Amai Paula Mae Weekes vekuTrinidad and Tobago. Sangano iri rinonzi Global Unlimited. Vamwe
VaMasisi vakabatana nesangano reUNCICEF vakakokawo vana makumi mana nevashanu kubva kunyika nhatu idzi kuti kuitwe muonera pamwe chuma chemuzukuru mukutsvaga nzira dzingapa vechidiki vari kuchamhembe kweAfrica ramangwana rakajeka.
VaMnangagwa vakaudza gungano iri kuti hurumende yeZimbabwe itsva iri kuita zvose zvainogona kuti ipe vechidiki mikana yekuti vagove neramangwana rakajeka.
Vanotiwo hurumende yavo iri kupa vechidiki mikana yakasiyana siyana ingavararamisa kana vapedza chikoro.
VaMnangagwa vakaenderera mberi vachiti hurumende yakavhura bhanga revechidiki iro risingadi kuti varatidze kuti vane chabatiso kuti vapihwe mari.
Vakati bhanga iri richabatsira kusimudzira mabasa evechidiki zvikuru muhumhizha nehumhetura hwechizvinozvino
Asi mutungamiri werimwe sangano revadzidzisi reProgressive Teachers’ Union of Zimbabwe kana kuti PTUZ, Doctor Takavafira Zhou vaudza Studio7 parunhare kuti hurongwa hwehurumende haushandi sezvo zvikoro zvisina magetsi.
Mukomana ari kuita Form 5 paInyathi High School Nkosilathi Nyathi uyo ainge akatungamira chikwata cheZimbabwe akaudza gungano iri kuti nyika ichi rwendo rwurefu pakusimudzira vechidiki.
Nyathi, uyo akatanga chirongwa chekugadzira mabiogas digesters kumusha kwake kuVictoria Falls, akati kushanduka kwemamiriro ekunze kuri kutadzisa vana vazhinji kuti vaende kuchikoro.
Vachitaurawo pagungano iri, VaHichilema vakurudzira nyika dziri muSADC kuti dzigadzirise mamiriro ehupfumi munyika dzadzo kuitira kuti vechidiki vawane zvavanoshuwira.
Gwaro rakaburitswa nesangano reUNICEF gore rakapera rakaratidza kuti kune vechidiki vanosvika mamiriyoni mana nezviuru makumi masere kana kuti 4.8 million vari muhurombo hunotyisa muZimbabwe izvo zvinoita kuti vasawane mikana yekuti vabudirire.
Facebook Forum