Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanoti Zimbabwe Yakazvipira Kuzadzikisa Zvibvumirano zveKugadzirisa Nyaya dzeMamiriro eKunze


VaBoris Johnson munyri mukuru weUnited Nations VaAntonio Guterres, uye VaJoe Biden COP26 U.N. Climate Summit in Glasgow, Scotland
VaBoris Johnson munyri mukuru weUnited Nations VaAntonio Guterres, uye VaJoe Biden COP26 U.N. Climate Summit in Glasgow, Scotland

Musangano weUnited Nations unoona nezvemamiriro ekunze wechimakumi maviri nenhanhatu kana kuti 26th meeting of the Conference of Parties -Cop26 wakatanga muGlasgow Scotland neMuvhuro.

Vatungamiri venyika zana kusanganisira mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vachizeya kuti vangazadzikise sei zvimwe zvibvumirano zvakaitwa zvakafanana nezveParis Agreement neTokyo Protocol.

Vamwe vatungamiri vari kumusangano uyu vanosanganisira VaJoe Biden, America, VaEmmanuel Macron France uye mutungamiri wehurumende yeBritain VaBoris Johnson.

Musangan uyu uri kuuya apo nyanzvi muUnited Nations yakayambira kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka sezvo mamiriro ekunze ari kushanduka zvakanyanya pane zvavaitarisira.

Vachinyora padandemutande ravo reTwiiter, munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaNick Mangawana avo vari pamusangano uyi vati vatungamiri venyika dzemuAfrica kusanganisira VaMnangagwa vaitawo musangano wavo padivi kuti vataure nezwi rimwe chete.

Kumucheto wemusangano uyu VaMnangagwa vasanganawo nemutungamrii e European Council VaCharles Michel. VaMnangagwa vanoti vari kudawo kushandisa musangano uyu kuti vakurudzire kuti zvirango zvibviswe. Asi zvizvarwa zveZimbabwe hazvisi kuwirirana nehutungamiri hwavo.

Sachigaro wevechidiki muZamu-PF ku UK/Europe District VaFarai Muvuti vato vari kufara nerwedo rwavi urwu vachiti rwakakosha mukusimbaradza hukama nedzimwe nyika dzakatemera Zimbabwe zvirango.

Kune mamwe masangano ari kuratidzirawo nematongerwo avaMnangagwa anosanganisirabato guru rinopikisa reMDC Alliance, Zimbabwe neZimbabwe Human Rights Organization nemamwe. Mumwe ange achiratidzira Muzvare Delina Mutyambizi vati VaMnangagwa vanotyora kodzero dzevanhu.

Izvi zvinonzi zviri kukonzera matambudziko akaita semafashamu emvura uye nzara. Musangano uyu uchapetwa musi wa12 Mbudzi.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG