Vatungamiri venyika dzemuAfrica vakawanda vanoti vari kushushikana zvikuru nekusagadzikana kwezvinhu munyika dzakawanda zvikuru kune hurumende dzakapidigurwa nemauto.
Izvi zvakabuda pamusangano wemazuva maviri wepagore weAfrican Union wakaitirwa kumuzinda wesangano iri weAddis Ababa, Ethiopia ukapera neSvondo. Nyika dzine hurumende dzakapidigurwa nemauto dzinosanganisira Mali, Guinea, Burkina Faso neSudan.
Nyika dzose idzi dzakatombomiswa kuve nhengo dzesangano reAfrican Union. Sachigaro weAfrica Union Commissionn VaMoussa Faki vakati vari kushushikana zvikuru nenyaya yekupidigurwa kwehurunde nemauto.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vange vari kumusangano uyu vakashorawo nyaya yekubvuta masimba nechisimba pachishandiswa mauto.
Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti VaMnangagwa ndemumwe akapidugurawo hurumende achishandisa mauto muna 2017.
Nyaya yekuti Israel yova muongorori kana kuti observer here kuAfrica Union yakonzerawo mutauro nyika dzakaita sedzakawanda dzemuSADC, Nigeria, Algeria dzichiti hadzidi kuti Israel iri kunetsa nePalestine ipihwe chiremera ichi. Asi DRC, Morroco, DRC nedzimwe dziri kutsigira Israel. Nyaya iyi yakambonzi isendekwe parutivi yozozeyiwa gofre rinouya.
Mumashoko kuvatori venhau neMugovera, Africa Union yakati mutungamiri wenyika yeSenegal VaMack Sall ndivo vainge vasarudzwa kuva sachigaro wegungano iri kusvika gore rinouya.
Dingindira regore rino rakanangana nekusimbisa nyaya dzekurwisa nzara kuburikidza nekurima nekusimbaradza nyaya dzezvehutano nechinangwa chekusimudzira magariro evanhu kana kuti “Strengthening Resilience in Nutrition and Food Security on the African Continent: Strengthening Agro-Food Systems, Health and Social Protection Systems for the Acceleration of the Human, Social and Economic Development.”
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Muzvinafundo Gift Mugano vanoti dingindira iri rakanaka chose asi muromo hauzarirwe nerwizi. Vanoti vatungamiri venyika dzemuAfrica vanofanira kugadzirisa nyaya dzezvematongerwo enyika kuti pave ebudiriro.
Facebook Forum