Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vosvika kuMalawi kuMusangano weSADC wepaGore


VaEmmerson Mnangagwa (Mufananidzo kubva kunazi rezvekuburitswa kwemashoko)
VaEmmerson Mnangagwa (Mufananidzo kubva kunazi rezvekuburitswa kwemashoko)

Mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vari kuLilongwe, Malawi uko vari kupinda musangano wechimakumi mana neumwe wesangano Southern African Development Community (SADC) uyo une chinangwa chekusimbisa kudyidzana kwenyika idzi panguva ino yedenda reCovid-19 riri kuuraya vanhu vakawanda pasi rose.

VaMnangagwa vatambirwa panhandare yeKamuzu International Airport nemumiriri weZimbabwe munyika iyi Doctor Nancy Saungweme uye gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika Doctor Fredrick Shava avo vange vachipinda mune mimwe misangano yemakurukota yakatotanga kuitwa pamberi pemusangano mukuru wevatungamiri wenyika.

Musangano wemazuva maviri uyu uchatanga mangwana uye uri kuitwa pasi pedingindira rekuti “Bolstering Productive Capacities in the Face of the Covid-19 Pandemic for Inclusive, Sustainable, Economic and Industrial Transformation.”

Asi VaMnangwa avo vanove nhengo yekomiti yesangano iri inoona nezvekudzivirwa kwedunhu kana kuti Organ Troika vapinda musangano wekomiti iyi uyo wange wakatarisirwa kuzeya mamiriro akaitwa zvinhu muMozambique, Eswathini, Lesotho pamwe neDemocratic Republic of Congo. Vatungamiri venyika dzemuSADC vakabatana neRwanda vakatotenderana kutumira mauto kudunhu recabo Delgado kunorwisa vanopfurikidza mwero vechikwata cheAnsar al-Sunna icho chinodyidzana nechimwe chikwata chinopurikidza mwero cheIslamic State.

Zimbabwe ichandesawo mauto ayo mazana matatu nemana kunobatsira mauto eMozambique.

Mutungamiriri we Malawi, VaLazarus Chakwera ndivo vachatora matomu ekuvasachigaro weSADC kubva kumutungamiriri weMozambique, VaPhillipe Nyusi.

Vatungamiriri veSADC vanotarisirwawo kusarudza munyori mukuru wesangano iri kana kuti Executive Secretary zvichitevera kusiya basa kwaAmai Stergomena Lawrence Tax vekuTanzania mushure mekukwanisa makore masere vari pabasa sezvinodiwa nemutemo weSADC.

Vari kuda chigaro ichi vanosanganirira VaElias Magosi vekuBotswana naVaFaustina Luanga Mukela vekuDRC.

Vanoongorora nyaya dzematongerwo enyika vakazvimirira, Dr Wellington Gadzikwa, vati kunyange pakave nasachigaro mutsva musangano reSADC havaona sangano iri richivanduza mashandiro aro zvavakanyanya.

Mashoko aya atsinhirwa nemukuru weMedia Centre, VaEnerst Mudzengi.

Vati dai SADC ine simba ingadai yakagadzirisa nyanya yekuMozambique iyo yaurayisa vanhu vadarika zviuru zviviri nemazana mashanu.

Musangano wevatungamiriri wenyika unotevera musangano wakaitwa nemakurukota anoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika mukusimbaradza kudyidzana munyaya dzezvehupfumi mudunhu uyo wakatanga nemusi weChishanu ukaita chisungo chekuti nyika idzi dzinofanira kusimbaradza kudyidzana munyaya dzekuvaka maindustry pamwe nekurwisana nedenda reCovid-19.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG