Mutungamiri wenyika VaEmmeson Mnangagwa nhasi vatoresa mhiko makomishina matsva esangano rinorwisa huori reZimbabwe Anti-Corruption Commission.
Asi munyika hamuna kuwirirana kuti komisheni tsva iyi ichakwanisa here kurwisa huori.
Vatoreswa mhiko nemutungamitri wenyika vanoti Muzvare Fungai Jessie Majome, VaJohn Makamure, VaGabriel Chaibva, Amai Thandiwe Thando Mlobane, VaFrank Muchengwa, Rtd Major Michael Dennis Santi naVaKuziva Phineas Murapa. Amai Mabel Ndakaripa Hungwe havana kuzotoreswa mhiko sezvo vange vari kunze kwenyika.
Vatoreswa mhiko ava vakabudirira mushure mekubvunzurudzwa nekomiti yeparamende yeStanding Rules and Orders Committee ine mutauriri wedare reparamende Advocate Jacob Mudenda sasachigaro.
Vanhu gumi nevaviri ndivo vakasarudzwa nedare reparamende VaMnangagwa vakazosarudza vasere. Komisheni iyi inenge ichitungamirirwa naJustice Loice Matanda Moyo.
Nhengo yeparamende iri mukomiti yezvehuori VaWillas Madzimure vati makomishina aya akaita basa sebasa vasingatatise kuti wabuda mumba maani havaone paine chakaipa.
Pakudomwa kwaMuzvare Majome, VaMadzimure vati vakashanda navo kwenguva yakareba uye vanovaziva semunhu anoda kurwisa huori.
Father Fredrick Chiromba, vanove nhengo yeZimbabwe Catholic Bishops Conference vatiwo zviri kuruzhinji rweZimbabwe kuti rwuwone kuti huori hwarwiswa zvine mutsindo.
Mumwe muongorori wezvematongerwo enyika VaOwen Dhliwayo vati kunyangwe hazvo komisheni iyi yagadzwa, zvakakosha kuti vezvematongerwo enyika vaipe mukana wekushanda.
Mumwezve muongorori wezvematongerwo enyika Doctor Pedzisai Ruhanya vatiwo sachigaro wekomisheni iyi munhu anoyemurika mumabasa ake zvekuti vanotarisira kuti iite basa nemazvo.
Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti huori munyika ndowezvimwe zvinhu zviri kuwondomotsa hupfumi hwenyika. Veruzhinji vanoti komisheni yehuori yaimbovapo yange isina mazino.
Hurumende iri kusimbaradza mitemo ine chekuita nehuori inosanganisira Money Laundering and Proceeds of Crime, pasi pemutemo uyu vese vanenge vawanikwa nemari kana midziyo isinganzwisisike vanoitorerwa.
ZACC yakapihwawo masimba ekusunga nekuchuchisa vese vanenge vachipomerwa huori kuburikidza nemutemo wechimbichimbi wemutungamiri wenyika kana kuti Statutory Instrument 143 of 2019.
Facebook Forum