Accessibility links

Breaking News

Hupenyu hwaVaMorgan Tsvangirai Hworangarirwa kuSouth Africa


VaMorgan Tsvangirai
VaMorgan Tsvangirai

Sangano re Southern African Liaision Office, nezuro rakaita musangano wekurangarira mutungamiri weMDC wekutanga, muchakabvu Morgan Tsvangirai, pahurongwa hwakaitirwa muPretoria, kuSouth Africa.

Vanhu vangangosvika zana vakaungana muPretoria vachirangarira mabasa akaitwa akaitwa naVaTsvangirai munyaya dzematongerwo enyika pamwe nekodzero dzevanhu.

VaTsvangirai vakarumbidzwa semunhu aive akashinga, ane rudo uye anoremekedza muonero wakasiyana siyana.

Vachitaura pamusangano uyu, murwiri wekodzero dzevanhukadzi, Amai Priscilla Misihairabwi Mushonga, vakati kunyange hazvo vakanga vasingawirirane mune zvimwe zvinhu naVaTsvangirai, muchakabvu munhu aive neruremekedzo, uye vakadzidza zvakawanda kubva kuna VaTsvangirai.

Amai Misihairabwi Mushonga vakati kusawirirara pakati penhengo dze MDC T inotungamirwa naMuzvare Thokozane Khupe ne MDC-T inotungamirwa naVaNelson Chamisa, kuchagadziriswa mushure mesarudzo.

Mutauriri waVaChamisa, Va Nkululeko Sibanda, vakarumbidzawo VaTsvangirai nekudoma kwavo VaChamisa, semumwe wevatevedzeri vemutungamiri weMDC-T. VaSibanda vakati VaTsvangirai vakaona kuti Va Chamisa munhu ane ruzivo kwete munyaya dzezvematongerwo enyika chete, asi nemunyaya dzakasiyana siyana.

Mumiriri weMDC T muSouth Africa, VaAmos Moyo, vakatiwo chirongwa chekurangarira VaTsvangira, chichazenge chichiitwa gore rega rega, sezvo VaTsangirai vaive munhu airemekedzwa nevanhu vakawanda, kwete munyaya dzezvematongerwo enyika chete, asi nemunyaya dzekodzero dzavashandi.

Chirongwa chekurangarira VaTsvangirai chakatsigirwa nemuzinda weNorway muSouth Africa.

Nyaya Ina Moreblessing Munjoma
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG