Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, svondo rino vakaramba kupa vaimbova mutevedzeri wemutungamiri weMDC inotungamirwa naVaArthur Mutambara, VaGibson Sibanda, ruremekedzo rwegamba renyika, izvo zvopa kuti muhurumende yemubatanidzwa muitezinyekenyeke.
VaSibanda vakashaya pakati pehusiku neMuvhuro mushure mekurwara nechirwere chegomarara kwenguva yakareba. Vari kutarisirwa kuvigwa kuInsiza mukupera kwesvondo.
Bato ravo rakanyorera VaMugabe tsamba richiti VaSibanda vaitwe gamba. Asi VaMugabe vakaramba kutambira izvi. Nyaya yekuti gamba ndiyani yave nemakore akawanda ichinetsa izvo zvava kupa kuti vamwe vati Heroes Acre, anongova marinda eZanu-PF, kwete enyika.
Nyaya iyi yakonzera mutauro wakanyanya muhurumende yemubatanudzwa, uye vamwe vanoti zviri pachena kuti mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, pamwe nemumwe wevatevedzeri vavo muhurumende, VaArthur Mutambara, havana havo kana simba muhurumende yemubatanidzwa.
Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinotiwo VaTsvangirai naVaMutambara vanofanira kubuda muhurumende yemubatanidzwa, kana vakundikana kuratidza VaMugabe kuti vane meno.
VaEdwin Mushoriwa, mutauriri weMDC inotungamirwa naVaMutambara, uye VaPedzisayi Ruhanya, avo vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vachishanda nesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, vanoti ichokwadi kuti VaMugabe vane masimba akawandisa, chinhu chinofanirwa kunge chisingaitwe navo, sezvo hurumende iripo iri yemapato matatu ari muhurumende.